bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Hosea 4
Hosea 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
1
Inzwai shoko raJehovha, "Imi vana vaIsiraeri, nokuti Jehovha ane gakava navanhu vagere munyika ino, nokuti hakune zvokwadi, kana unyoro, kana kuziva Mwari munyika ino.
2
Hakune zvimwe asi kupika, nokunyengera, nokuuraya, nokuba, nokuita upombwe; vanopaza dzimba, kuteura ropa kunoramba kuchitevera kuteura ropa.
3
Saka nyika ichachema, mumwe nomumwe ageremo achapera simba, pamwechete nemhuka dzesango neshiri dzokudenga; naidzo hove dzegungwa dzichabviswa.
4
"Ngakurege kuva nomunhu anokakavara kana munhu anotuka; nokuti vanhu vako vakaita savanokakavara nomuprista.
5
Iwe uchagumburwa masikati, nomuporofita achagumburwawo pamwechete newe usiku; ndichaparadza mai vako.
6
Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva muprista wangu; zvawakangamwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakangamwa vana vako.
7
"Vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo, ndichashandura kukudzwa kwavo ndikuite kunyadziswa.
8
Vakaguta nezvinobva pazvivi zvavanhu vangu, vanopanga nemwoyo yavo zvakaipa zvavo.
9
"Saka zvakaita vanhu, ndizvo zvichaita mupristawo; ndichavarova pamusoro penzira dzavo, ndichavaripidzira zvavanobata.
10
Vachadya, asi havangaguti; vachapata, asi havangawandi, nokuti vakarega kuva nehanya naJehovha.
11
"Kufeva newaini newaini, itsva, zvinobvisa njere.
12
Vanhu vangu vanobvunza mano padanda ravo, vanoziviswa netsvimbo yavo; nokuti mweya wokufeva wakavatadzisa, vakapata, ndokurasa Mwari wavo.
13
Vanobayira pamusoro pamakomo, vanopisira zvinonhuhwira pazvikomo, napasi pemioki, nemipopirari, nemiterebhini, nokuti mimvuri yayo yakanaka, naizvozvo vakunda venyu vanopata, mwenga yenyu inofeva.
14
Handingarovi vakunda venyu kana vachipata, nemwenga yenyu kana ichifeva; nokuti varume vanoenda vari voga nezvifeve, vanobayira navakadzi vanofeva; vanhu vasinganzwisisi vachaparadzwa.
15
Kunyange imi, Isiraeri, muchipata, Judha ngavarege kupara mhaka; musasvika Girigari, musakwira Bhetiavheni, uye musapika, muchiti, `NaJehovha mupenyu!'
16
"Nokuti Isiraeri vanakomana, setsiru rinokoma; zvino Jehovha achavafudza segwayana panzvimbo mhamhi.
17
Efuremu anonamatirana nezvifananidzo, muregei.
18
Zvavanomwa zvinovava; vanoramba vachipata; vabati vavo vanofarira zvikuru zvinonyadzisa.
19
Mhepo yakavaputira namapapiro ayo; vachanyadziswa nokuda kwezvibayiro zvavo.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14