bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Judges 1
Judges 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 2 →
1
Zvino Joshua wakati afa, vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha, vakati, "Ndianiko kwatiri anofanira kutanga kundorwa navaKenani?"
2
Jehovha akati, "Judha ndiye unofanira kuenda; tarirai ndakaisa nyika iyi mumaoko ake."
3
Zvino Judha akati kuna Simiyoni mukuru wake, "Hendei tose kumugove wangu, tirwe navaKenani, neni ndigoenda newe kumugove wako." Ipapo Simiyoni akaenda naye.
4
Zvino Judha akaenda, Jehovha akaisa vaKenani navaPerizi mumaoko ake, vakauraya muBhezeki varume vavo vane zviuru zvine gumi.
5
Vakawana Adhoni-bhezeki muBhezeki, vakarwa naye, vakauraya vaKenani navaPerizi.
6
Asi Adhoni-bhezeki wakatiza; vakamutevera, vakamubata, ndokumugura magumwe ake namagumwe amakumbo ake.
7
Ipapo Adhoni-bhezeki akati, "Madzimambo ana makumi manomwe, akanga akagurwa magumwe awo namagumwe amakumbo awo, ainonga zvokudya zvawo pasi petafura yangu; sezvandakaita ini, Mwari wakanditsivawo." Vakaenda naye Jerusaremu, akafirapo.
8
Zvino vana vaJudha vakandorwa neJerusaremu, vakarikunda, vakavauraya neminondo inopinza, vakapisa guta nomoto.
9
Pashure vana vaJudha vakaburuka vakandorwa navaKenani, vakanga vagere panyika yamakomo, nezasi nokumapani.
10
Zvino vaJudha vakandorwa navaKenani vakanga vagere Hebhuroni (zvino zita reHebhuroni kare raiva Kiriati-abha); vakaparadza Sheshai, naAhimani, naTarimani.
11
Vakabvapo, vakandorwa navanhu vakanga vagere Dhebhiri. (Zvino zita reDhebhiri kare raiva Kiriati-seferi).
12
Karebhu akati, "Munhu unorwa neKiriati-seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake."
13
Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake.
14
Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake, Karebhu akati kwaari, "Unoreveiko?"
15
Akati, "Ndipei chipo; zvamakandiisa kunyika yezasi, ndipeiwo matsime emvura." Akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi.
16
Zvino vana vomuKeni, mukarabwa waMozisi, vakabuda paguta remichindwe, vakakwira pamwechete navana vaJudha kurenje raJudha, riri zasi kweAradhi; vakandogara navanhu voko.
17
Judha akaenda naSimiyoni mukuru wake, vakakunda vaKenani vakanga vagere Zefati; vakariparadza chose. Guta iro rikazotumidzwa Homa.
18
VaJudha ndokukundawo Gaza nenyika yaro neAshikeroni nenyika yaro, neEkironi nenyika yaro.
19
Jehovha akava naJudha akadzinga vanhu vakanga vagere panyika yamakomo; asi wakanga asingagoni kudzinga vakanga vagere mumupata, nokuti ivo vakanga vane ngoro dzamatare.
20
Vakapa Karebi Hebhuroni sezvakanga zvataurwa naMozisi, akadzingapo vana vaAnaki vatatu.
21
Asi vana vaBhenjamini havana kudzinga vaJebhusi vakanga vagere Jerusaremu; asi vaJebhusi vakagara Jerusaremu pamwechete navana vaBhenjamini kusvikira nhasi.
22
Veimba yaJosefa naivo vakakwira vakandorwa neBheti-eri, Jehovha akava navo.
23
Veimba yaJosefa vakandoshora Bheti-eri. (Zvino zita reguta iri pakutanga raiva Ruzi.)
24
Nharirire dzikaona munhu achibuda muguta, dzikati kwaari, "Dotiratidza hako pano paguta, tigokuitira zvakanaka."
25
Akavaratidza panopindwa napo paguta, vakakunda guta neminondo inopinza; asi vakatendera munhu uyo nemhuri yake yose kuenda hake.
26
Zvino munhu uyo akaenda kunyika yavaHeti, akandovaka guta rake, akaritumidza zita rinonzi Ruzi; ndiro zita raro kusvikira nhasi.
27
Manase haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-sheani, nemisha yaro, kana veTaanaki, nemisha yaro, kana vakanga vagere Dhori, nemisha yaro; kana vakanga vagere Ibhireami, nemisha yaro, kana vakanga vagere Megidho, nemisha yaro; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.
28
Zvino vaIsiraeri vakati vasimba, vakabatisa vaKenani basa rechibharo, havana kuvadzinga chose.
29
Efuremu haana kudzinga vaKenani vakanga vagere Gezeri; asi vaKenani vakagara Gezeri pakati pavo.
30
Zebhuruni haana kudzinga vanhu vakanga vagere Kitironi, kana vakanga vagere Naharori; asi vaKenani vakagara pakati pavo, vakava vabati vechibharo.
31
Asheri haana kudzinga vanhu vakanga vagere Ako, kana vakanga vagere Zidhoni, kana Akirabhi, kana Akisibhi, kana Heribha, kana Afiki, kana Rehobi;
32
asi vaAsheri vakagara pakati pavaKenani, vakanga vagere munyika iyo; nokuti havana kuvadzinga.
33
Nafutari haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bheti-shemeshi, kana vakanga vagere Bheti-anati; asi vakagara pakati pavaKenani, vakanga vagere panyika iyo; asi vakanga vagere Bhetishemeshi neBheti-anati vakava vabati vechibharo.
34
VaAmori vakasundira vana vaDhani kunyika yamakomo, nokuti havana kuvatendera kuburukira kumupata;
35
asi vaAmori vakaramba vachida kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nomuShaaribhimu, kunyange zvakadaro ruoko rwaveimba yaJosefa rwakakunda, vakava vabati vechibharo.
36
Muganhu wavaAmori wakabva pamukwidzwa weAkirabhimu, kubva padombo, uchikwira.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21