bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Judges 17
Judges 17
Shona 2009?
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
1
Zvino kwakanga kuno murume panyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Mika.
2
Iye akati kuna mai vake, "Mashekeri aya esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe amakabirwa, mukatuka mubi wazvo, mukataurawo izvozvo ini ndichizvinzwa, tarirai sirivha iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora." Ipapo mai vake vakati, "Mwanakomana wangu ngaaropafadzwe naJehovha!"
3
Akadzosera mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe kuna mai vake; mai vake vakati, "Zvirokwazvo, sirivha iyi ndinoitsaurira Jehovha, kuti mwanakomana wangu aite nayo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; naizvozvo zvino ndichakudzosera iyo."
4
Zvino wakati adzosera mari iyo kuna mai vake, mai vake vakatora mashekeri esirivha ana mazana maviri, akaapa muumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; zvikagara mumba maMika.
5
Zvino murume uyu Mika wakanga ane imba yavamwari, akaita efodhi neterafimi, akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave muprista wake.
6
Pamazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; munhu mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.
7
Zvino kwakanga kune jaya raibva Bheterehemu-judha, weimba yaJudha, waiva muRevhi, wakanga agerepo.
8
Murume uyu akabva paguta, paBheterehemu-judha, kundozvitsvakira nzvimbo yokugara; pakufamba kwake akasvika panyika yamakomo yaEfuremu paimba yaMika.
9
Mika akati kwaari, "Wabvepiko?" Iye akati kwaari, "Ndiri muRevhi weBheterehemu-judha, ndinotsvaka kwandingagara."
10
Mika akati kwaari, "Gara neni, uve baba vangu nomuprista wangu, ndikupe mashekeri esirivha ane gumi pagore nenguvo dzokupfeka nezvokudya zvako." Ipapo muRevhi akapinda.
11
MuRevhi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikava somumwe wavanakomana vake.
12
Mika akagadza muRevhi, jaya iro rikava muprista wake, akagara mumba maMika.
13
Zvino Mika akati, "Ndinoziva kuti Jehovha uchandiitira zvakanaka, zvandava nomuprista wangu ari muRevhi."
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21