bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Judges 13
Judges 13
Shona 2009?
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 14 →
1
Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko avaFirisitia makore ana makumi mana.
2
Zvino kwakanga kuno mumwe murume weZora, weimba yaDhani, wainzi Manowa; mukadzi wake wakanga asina mwanakomana, asingabereki.
3
Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, "Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana.
4
Naizvozvo zvino chichenjera hako kuti urege kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka;
5
nokuti tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu anofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Isiraeri pamaoko avaFirisitia."
6
Zvino mukadzi akandoudza murume wake, akati, "Munhu waMwari wakauya kwandiri, chiso chake chakanga chakafanana nechiso chomutumwa waMwari, chaityisa kwazvo; handina kumubvunza kuti unobvepi, uye iye haana kundiudza zita rake;
7
asi wakati kwandiri, `Tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; zvino chirega kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, usadya chinhu chisina kunaka, nokuti mwana uyu uchava muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake kusvikira pazuva rokufa kwake.' "
8
Ipapo Manowa akakumbira kuna Jehovha, akati, "Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa."
9
Jehovha akanzwa inzwi raManowa; mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi agere pamunda; asi Manowa, murume wake, wakanga asiko kwaari.
10
Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoudza murume wake, akati kwaari, "Tarira, murume uya wazviratidzazve kwandiri, iye wakadeya kuuya kwandiri musi uya."
11
Manowa akasimuka, akatevera mukadzi, wake akasvika kumurume, akati kwaari, "Ndiwe murume wakataura nomukadzi here?" Iye akati, "Ndini."
12
Manowa akati, "Zvino kana mashoko enyu achinge aitika, tsika dzomwana dzinofanira kuva dzipi, nebasa rake rinofanira kuva reiko?"
13
Mutumwa waJehovha akati kuna Manowa; "Mukadzi ngaachenjere pamusoro pezvose zvandakamuudza.
14
Haafaniri kudya chinhu chipi nechipi chinobva pamuti womuzambiringa; haafaniri kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; ngaachengete zvose zvandakamuraira."
15
Manowa akati kumutumwa waJehovha, "Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana."
16
Mutumwa waJehovha akati' kuna Manowa, "Kunyange ukandinonosa, handingadyi chingwa chako; kana ukada kugadzira chipiriso chinopiswa, unofanira kuchipa Jehovha." Nokuti Manowa wakanga asingazivi kuti mutumwa waJehovha.
17
Manowa akati kumutumwa waJehovha, "Zita renyu ndianiko? Kuti tizive kukukudzai kana mashoko enyu achizoitika?"
18
Mutumwa waJehovha akati kwaari, "Unondibvunzireiko zita rangu, zvarinoshamisa?"
19
Ipapo Manowa akatora mbudzana pamwechete nechipiriso chezvokudya, akazvibayira Jehovha padombo; mutumwa akaita chinhu chinoshamisa, Manowa nomukadzi wake vakataririra.
20
Nokuti murazvo womoto wakati uchikwira kudenga uchibva paatari, mutumwa waJehovha ndokukwira mumurazvo weatari, Manowa nomukadzi wake vakataririra; vakawira pasi nezviso zvavo.
21
Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manowa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manowa akaziva kuti mutumwa waJehovha.
22
Zvino Manowa akati kumukadzi wake, "Tichafa zvirokwazvo, nokuti takaona Mwari."
23
Asi mukadzi wake wakati kwaari, "Dai Jehovha aida kutiuraya, ungadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa chezvokudya pamaoko edu; ungadai asina kutiratidza mashoko akadai panguva ino."
24
Zvino mukadzi akapona mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samusoni; mwana akakura, Jehovha akamuropafadza.
25
Mweya waJehovha akatanga kumumutsa paMahanedhani, pakati peZora neEshitaori.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21