bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Judges 12
Judges 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 13 →
1
Zvino varume vaEfuremu vakaungana, vakapfuurira kurutivi rwokumusoro, vakati kuna Jefuta, "Wakapfuurireiko kundorwa navana vaAmoni, ukasatidana isu kuti tiendewo newe? Tichapisa imba yako pamusoro pako nomoto."
2
Jefuta akati kwavari, "Ini navanhu vangu takanga tichitambudzika kwazvo navana vaAmoni; zvino panguva yandakakudanai, imwi hamuna kundiponesa pamaoko avo.
3
Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?"
4
Ipapo Jefuta akaunganidza varume vose veGiriyadhi, akarwa naEfuremu, nokuti vakati, "Muri vanhu vakatiza kuna Efuremu, imwi vaGiriyadhi, muchigara pakati paEfuremu, napakati paManase."
5
Ipapo vaGiriyadhi vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, "Nditenderei kuti ndiyambuke," varume veGiriyadhi ndokuti kwaari, "Uri muEfuremu here?" Kana akati, "Kwete,"
6
ipapo vakati kwaari, "Zvino chiti, `Shibhoreti;' iye ndokuti, `Sibhoreti,' nokusagona kureva kwazvo;" ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJorodhani, nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurawa.
7
Jefuta akatonga Isiraeri makore matanhatu. Ipapo Jefuta muGiriyadhi akafa, akavigwa mune rimwe ramaguta aGiriyadhi.
8
Shure kwake Ibhuzani weBheterehemu wakatonga Isiraeri.
9
Iye wakanga ana vanakomana vana makumi matatu; vanasikana vake vana makumi matatu akavatuma vakandowanikwa kumwe, akandotorazve kumwe vamwe vanasikana vana makumi matatu vakawanikwa navanakomana vake. Iye akatonga Isiraeri makore manomwe.
10
Ibhuzani akafa, akavigwa paBheterehemu.
11
Shure kwake Eroni muZebhuruni wakatonga Isiraeri; akatonga Isiraeri makore ane gumi.
12
Eroni muZebhuruni akafa, akavigwa paAjaroni, panyika yaZebhuruni.
13
Shure kwake Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, wakatonga Isiraeri.
14
Iye wakanga ana vanakomana vana makumi mana, navazukuru vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi manomwe; iye akatonga Isiraeri makore masere.
15
Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, akafa, akavigwa paPiratoni, panyika yaEfuremu, panyika yamakomo yavaAmareki.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21