bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Galatians 1
Galatians 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
1
Pauro, muapostora, (usina kubʋa kuʋanhu, kana kutumŋa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMŋari Ƃaɓa, wakamumutsa kuʋakafa),
2
nehama dzose dziri kwandiri, kukereke dzeGaratia:
3
Nyasha norugare ŋgaɀiʋe nemi, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu,
4
wakaɀipa nokuɗa kweɀiʋi ɀeɗu, kuti atisunuŋgure kunyika yakaipa yaɀino, nokuɗa kwaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu;
5
ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
6
Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukaɗai kushandukira uyo wakakuɗanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kuneimŋe evaŋgeri;
7
isati iri imŋe hayo; asi kuti ʋamŋe ʋari’po ʋanokukaŋganisai, ʋaciɗa kushandura Evaŋgeri yaKristu.
8
Asi kunyaŋge isu, kana mutumŋa unobva kuɗeŋga, akakuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ŋgaaʋe wakatukwa.
9
Seɀatakamboreʋa, ɀino ndinoreʋa ɀe saiɀoɀo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imŋe evaŋgeri, inopesana neiyo yamakagamucira, ŋgaaʋe wakatukwa.
10
Nokuti ɀino ndinoita ʋushamŋari naʋanhu here, kana naMŋari? Kana ndinotȿaka kufadza ʋanhu here? Kana ndaifadza ʋanhu naɀino, handizaiʋa muranda waKristu.
11
Nokuti ndinokuziʋisai, hama dzaŋgu, kuti Evaŋgeri yakaparidzwa neni, haina‐kuita seyaʋanhu.
12
Nokuti handina‐kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.
13
Nokuti makanzwa ɀomufambire waŋgu kare pakunamata kwaʋaJuda, kuti ndaitambudza kereke yaMŋari ɀikuru kwaɀo, ndikaiparadza;
14
pakunamata kwaʋaJuda ndaipfuʋura ʋazhinji ʋezero raŋgu parudzi rwaŋgu, ndicinyanya kushiŋgairira tsika dzamadziɓaɓa aŋgu.
15
Ɀino Mŋari, iye wakandisanaŋgura kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu, akandiɗana nenyasha dzake, wakati afadzwa naɀo,
16
kuti aratidze Mŋanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati paʋahedeni, pakarepo handina‐kuraŋgana nenyama neropa;
17
handina‐kukwira Jerusarema kunaaʋo ʋakanditaŋgira kuʋa ʋaapostora, asi ndakaenda Arabia, ndikadzokera Damasko ɀe.
18
Ipapo, makore matatu akati apfuʋura, ndikakwira Jerusarema kundoʋona Kefasi, ndikagara naye mazuʋa anegumi namashanu.
19
Asi handina‐kuʋona mumŋe waʋaapostora, asi Jakobo ɓedzi, munuŋuna waShe.
20
Iɀi ɀandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMŋari handireʋi nhema.
21
Ipapo ndakaȿika kunyika dzeSiria neKirikia.
22
Asi ndakaŋga ndisiŋgazikanwi paciso nekereke dzeJudea dziri munaKristu;
23
asi ʋakaŋga ʋanzwa ɓedzi, kuti uya, waititambudza kare, ɀino woparidza kutenda kwaaiparadza kare;
24
ʋakarumbidza Mŋari mandiri.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6