bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Galatians 5
Galatians 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
1
Kristu wakatisunuŋgura kuti tiʋe ʋakasunuŋguka; naiɀoɀo mirai nesimba, murege kusuŋgwa ɀe nejoko roʋuranda.
2
Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kuti kana mucidziŋgiswa, Kristu haaŋgakuɓatsiriyi cinhu.
3
Ndinopupurira mumŋe nomumŋe unodziŋgiswa, kuti iye uneŋgaʋa rokuti aite murairo wose.
4
Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoɗa kururamiswa nomurairo; maɓuɗiswa panyasha.
5
Nokuti isu noMŋeya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa.
6
Nokuti munaKristu Jesu kudziŋgiswa kana kusadziŋgiswa haɀiɓatsiri cinhu; asi kutenda kunoɓata noruɗo.
7
Makaŋga mucimhanya ɀakanaka; ndianiko wakakudziʋisai kuti murege kuterera ɀokwaɗi?
8
Hamunakugombedzerwa naiye wakakuɗanai.
9
Mbiriso shoma inoʋirisa ɓundu rose.
10
Ndinotenda pamsoro penyu munaShe, kuti hamuŋgatoŋgoraŋgariri cimŋe cinhu; asi uyo, unokupesanisai ucafanira hake kutoŋgwa, kunyaŋge ari aninani.
11
Asi ini, hama dzaŋgu, kana ndiciparidza kuti ʋanhu ʋadziŋgiswe, ndinoramba ndicitambudzwa neiko? Naiɀoɀo kugumbusa kwomucinjikwa kwabviswa.
12
Ƌai aʋo ʋanokupesanisai ʋaciɀigura ʋo.
13
Nokuti imi, hama dzaŋgu, makaɗanirwa kusunuŋguka; asi kusunuŋguka kwenyu ŋgakurege kuʋa nzira yenyama, asi ɓatiranai noruɗo.
14
Nokuti murairo wose unozadziswa neshoko rimŋe cete, rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe;
15
asi kana mucirumana nokudyana, cenjerai kuti murege kupedzana.
16
Ɀino ndinoti: Fambai noMŋeya, ipapo hamuŋgaiti kuciʋa kwenyama.
17
Nokuti nyama inociʋa icirwa noMŋeya; noMŋeya ucirwa nenyama; nokuti iɀi ɀinorwisana; kuti murege kuita ɀamunoɗa.
18
Asi kana mucituŋgamirirwa noMŋeya, hamuzi pasi pomurairo.
19
Ɀino maɓasa enyama anoʋonekwa, anoti: Ʋupombge, netȿina, noʋutere,
20
nokunamata ɀifananidzo, noʋuroyi, nokuʋeŋgana, negakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka,
21
nokugoɗorana, nokuɓatwa, nokutamba kwakaipa, neɀinhu ɀakaɗai; iɀo ɀandinokuʋudzai ɀino, seɀandakambokuʋudzai kare, kuti ʋanoita ɀakaɗai haʋaŋgadyi nhaka yoʋushe bgaMŋari.
22
Ɀino ciɓereko coMŋeya ndirwo ruɗo, nomufaro, norugare, nomŋoyo murefu, nomŋoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka,
23
noʋunyoro, nokuɀidzora: hakunomurairo unodziʋisa ɀinhu ɀakaɗai.
24
Asi aʋo ʋari ʋaKristu Jesu ʋakaroʋera pamucinjikwa nyama, pamŋe cete nokuɗa kwayo, nokuciʋa kwayo.
25
Kana ticirarama noMŋeya, ŋgatifambe ʋo noMŋeya,
26
tirege kuɀikudza, ticimutsana mŋoyo, ticigoɗorana.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6