bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Galatians 6
Galatians 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
1
Hama dzaŋgu, kunyaŋge munhu akaɓatwa panokumŋe kuɗarika, imi ʋoMŋeya mudzose wakaɗai nomŋoyo woʋunyoro; uciɀicenjerera iwe, kuti urege kuidzwa ʋo.
2
Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saiɀoɀo.
3
Nokuti kana munhu aciti, ndiri cinhu, asati ari cinhu, unoɀinyeŋgera iye.
4
Ɀino munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaidze ɓasa rake amene, ipapo uŋgaɀirumbidza pamsoro pake iye amene oga, asiŋgaɀiiti pamsoro pomumŋe.
5
Nokuti munhu mumŋe nomumŋe ucafanira kutakura mutoro wake.
6
Ɀino unodzidziswa Shoko, ŋgaagoʋane nounodzidzisa paɀinhu ɀose ɀakanaka.
7
Musanyeŋgerwa; Mŋari haasekwi; nokuti iɀo ɀinodɀara munhu, ndiɀo ɀaanoceka ɀe.
8
Nokuti unodɀarira nyama yake, ucaceka kuʋora, kunobva panyama; asi unodɀarira Mŋeya, ucaceka ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgunobva kuMŋeya.
9
Ɀino ŋgatirege kuneta pakuita ɀakanaka; nokuti tinozoceka neŋguʋa yakafanira, kana tisiŋgaʋori mŋoyo.
10
Ɀino ɀatineŋguʋa, ŋgatiitire ʋose ɀakanaka, ɀikuru kunaʋeimba yokutenda.
11
Tarirai, kukura kwamaretere andinokunyorerai nawo noruʋoko rwaŋgu.
12
Ʋose ʋanoɗa kunzi ʋakanaka pane‐ɀinoʋonekwa panyama, ndiʋo ʋanokuroʋererai kuti mudziŋgiswe; ʋanoɗaro ɓedzi kuti ʋarege kutambudzwa nokuɗa kwomucinjikwa waKristu.
13
Nokuti kunyaŋge ʋakadziŋgiswa, haʋaceŋgeti murairo ʋamene; asi ʋanoɗa kuti imi mudziŋgiswe, kuti ʋaɀirumbidze panyama yenyu.
14
Asi kana ndirini, ŋgandirege kutoŋgoɀirumbidza napaɗuku, asi ɓedzi mumucinjikwa waShe weɗu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroʋerwa pamucinjikwa kwandiri, neni ndakaroʋerwa kunyika.
15
Nokuti kudziŋgiswa kana kusadziŋgiswa hacizi cinhu, asi cisikwa citȿa.
16
Ʋose ʋanofamba nomurairo uyu, rugare ŋgaruʋe pamsoro paʋo, nenyasha, napamsoro paʋaIsraeri ʋaMŋari.
17
Kubvira ɀino ŋgakurege kuʋa nomunhu unonditambudza; nokuti ndinamaʋaŋga aJesu pamuʋiri waŋgu.
18
Nyasha dzaShe weɗu Jesu Kristu, ŋgadziʋe nomŋeya wenyu, hama dzaŋgu. Ameni.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
All chapters:
1
2
3
4
5
6