bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Galatians 4
Galatians 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
1
Ɀino ndinoti, mudyi wenhaka, kana aciri mŋana, haatoŋgosiyani nomuranda, kunyaŋge ari ishe waɀose;
2
asi uri pasi paʋatariri naʋaceŋgeti kuȿikira paŋguʋa yakatarwa naɓaɓa.
3
Saiɀoɀo nesu ʋo, ticiri ʋana, takaŋga takasuŋgwa pasi peɀokuʋamba ɀenyika;
4
ɀino ŋguʋa yakati yazara kwaɀo, Mŋari akatuma Mŋanakomana wake, wakaɓerekwa nomukadzi, wakaɓerekwa pasi pomurairo,
5
kuti adzikinure ʋari pasi pomurairo, kuti tipiwe ʋumŋana bgeɗu.
6
Ɀino ɀamuri ʋanakomana, Mŋari wakatuma Mŋeya woMŋanakomana wake mumŋoyo meɗu, unoɗana, aciti: Aba, Ƃaɓa!
7
Saka iwe hauciri muranda, asi mŋanakomana; kana waʋa mŋanakomana, waʋa mudyi wenhaka naMŋari.
8
Asi neŋguʋa iyo, ɀamakaŋga musiŋgaziʋi Mŋari, maiʋa ʋaranda ʋaʋamŋari ʋasati ʋari ʋeɀokwaɗi;
9
asi ɀino, ɀamunoziʋa Mŋari, ɀikuru ɀamunozikanwa naMŋari, modzokera ɀe seiko kuneɀokuʋamba ɀisinesimba, ɀoʋurombo, muciɗa ɀe kutaŋga kuʋa ʋaranda ʋaɀo?
10
Munoceŋgeta misi nemŋedzi, neŋguʋa namakore.
11
Ndinotya pamsoro penyu, kuti ɀimŋe ndakaɓate‐ɓasa kwamuri pasina.
12
Ndinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muʋe seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna‐kundiitira cinhu cimŋe cisakarurama;
13
ɀino munoziʋa kuti ndakakuparidzirai Evaŋgeri pakutaŋga nokuɗa kwokurwara panyama;
14
necinhu ico panyama yaŋgu, cakaŋga ciri muidzo kwamuri, hamuna‐kuciɀidza, kana kucisema; asi makandigamucira somutumŋa waMŋari, saiye Kristu Jesu.
15
Ɀino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo.
16
Ɀino ndaʋa muʋeŋgi wenyu, ɀandakakuʋudzai ɀokwaɗi here?
17
Ʋanokushiŋgairirai nomutoʋo usakanaka; asi ʋanoɗa kukupfigirai kunze, kuti imi muʋashiŋgairire.
18
Ɀino ɀakanaka kuti pacinhu cakanaka kushiŋgairirwe ŋguʋa dzose, ɀirege kuitwa kana ndiri kwamuri ɓedzi.
19
Ʋana ʋaŋgu ʋaɗuku, ʋandinotamburira ɀe kuɓereka, kuȿikira Kristu aʋumbga mukati menyu.
20
Ndaiɗa kuti ndiʋe nemi ɀino, ndishandure inzwi raŋgu; nokuti ndinokaŋganiswa nokuɗa kwenyu.
21
Ndiʋudzei, imi munoɗa kuʋa pasi pomurairo, hamutereri murairo here?
22
Nokuti kwakanyorwa kuti Abrahama wakaŋga anaʋanakomana ʋaʋiri, mumŋe womurandakadzi, mumŋe womukadzi wakasunuŋguka.
23
Ɀino womurandakadzi wakaɓerekwa nenzira yenyama; asi womukadzi wakasunuŋguka wakaɓerekwa seɀaakapikirwa.
24
Ɀinhu iɀi ɀinofananidzira; nokuti ʋakadzi aʋa ʋaʋiri isuŋgano mbiri; imŋe inobva pagomo reSina, inoɓereka ʋana ʋoʋuranda — ndiye Agari;
25
ɀino Agari ndiro gomo reSina muArabia, rakaenzana neJerusarema raɀino; nokuti uri paʋuranda iye naʋana ʋake.
26
Ɀino Jerusarema riri kumsoro rakasunuŋguka, ndiʋo mai ʋeɗu;
27
nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Fara, iwe usiŋgaɓereki, usiŋgaɀari, Pururudza, uɗanidzire, iwe usiŋgatamburi nokuɓereka, Nokuti ʋana ʋomusiyiwa ʋazhinji kunowaiye unomurume.
28
Ɀino imi, hama dzaŋgu, muri ʋana ʋokupikirwa saIsaka.
29
Asi sapaŋguʋa iyo, uyo wakaɓerekwa nenzira yenyama wakatambudza wakaɓerekwa nenzira yoMŋeya, ɀakaɗaro ʋo naɀino.
30
Asi Rugwaro runotiyiko? Dziŋga murandakadzi nomŋanakomana wake; nokuti mŋanakomana womurandakadzi haaŋgadyi nhaka pamŋe cete nomŋanakomana wowakasunuŋguka.
31
Saka, hama dzaŋgu, hatizi ʋana ʋomurandakadzi, asi ʋowakasunuŋguka.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6