bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Galatians 2
Galatians 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
1
Ɀino, makore anegumi namanna akati apfuʋura, ndikakwira ɀe Jerusarema naBarnabasi, ndikaenda ʋo naTitosi.
2
Ndakakwira nokuɗa kwokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi paʋo Evaŋgeri yandinoparidza pakati paʋahedeni, asi kunaʋakaŋga ʋacikudzwa ʋari ʋoga, kuti ɀimŋe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti ɀimŋe ndatomhanyira pasina.
3
Asi naTito, waiʋa neni, ari muGiriki, haanakuroʋererwa kuti adziŋgiswe;
4
nokuɗa kwehama dzenhema, ʋakaŋga ʋapinzwa nokunyaŋga, ʋakaŋga ʋapinda pakaʋanda kuti ʋashore kusunuŋguka kweɗu kwatinako munaKristu Jesu, kuti ʋatisuŋge;
5
hatina‐kuʋatseɗukira iʋaʋa, ticiʋaterera ŋguʋa imŋe; kuti ɀokwaɗi yeEvaŋgeri irambe icigara nemi.
6
Ɀino kana ʋari iʋo ʋanonzi ʋakuru — handinemhaka kuti ʋaiʋa ʋakaɗini kare; Mŋari haatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu — kana ʋari iʋo ʋanonzi ʋakuru, haʋana‐kundiwedzera cinhu;
7
asi iʋo ʋakati ʋaʋona kuti ini ndakapiwa Evaŋgeri kunaʋasina‐kudziŋgiswa, saPetro kunaʋakadziŋgiswa;
8
(nokuti iye wakapa Petro simba rokuʋa muapostora kunaʋakadziŋgiswa, ndiye wakapa ʋo ini simba rokuʋa muapostora kuʋahedeni);
9
ʋakati ʋaʋona nyasha dzandakaŋga ndapiwa, Jakobo, naKefasi, naJohane — aʋo ʋainzi mbiru — ʋakatiɓata isu tose naBarnabasi namaʋoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuʋahedeni, iʋo kunaʋakadziŋgiswa;
10
ʋakaɗa cete kuti tiraŋgarire ʋarombo; ndiɀo ɀandakashiŋgairira ʋo kuti ndiɀiite.
11
Ɀino Kefasi wakati aȿika Antiokia ndakamudziʋisa pacena, nokuti wakaŋga anemhoȿa.
12
Nokuti ʋamŋe, ʋakaŋga ʋabva kunaJakobo, ʋasati ʋaȿika, iye waidya naʋahedeni; asi ʋakati ʋaȿika, akadzoka, akaɀiraʋura, acitya ʋakadziŋgiswa.
13
Naʋamŋe ʋaJuda ʋakaita mano‐mano ʋo pamŋe cete naye; ɀikaitwa kuti naiye Barnabasi ʋo akatsauswa namano‐mano aʋo.
14
Asi ndakati ndiciʋona kuti haʋafambi ɀakarurama neɀokwaɗi yeEvaŋgeri, ndakati kunaKefasi pamberi paʋose: Kana iwe, uri muJuda, ucifamba saʋahedeni, usiŋgaiti saʋaJuda, unoroʋerera seiko ʋahedeni, kuti ʋafambe saʋaJuda?
15
Isu ʋaJuda pakuɀarwa kweɗu, tisati tiri ʋatadzi ʋanobva kuʋahedeni,
16
ɀatinoziʋa kuti munhu haaruramiswi namaɓasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesu ʋo takatenda kunaKristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namaɓasa omurairo; nokuti hakunenyama icaruramiswa namaɓasa omurairo.
17
Ɀino kana isu pakutȿaka kweɗu kururamiswa munaKristu, tikawanikwa tiri ʋatadzi ʋo timene, ko Kristu waʋa mushumiri weɀiʋi here? Haiȿa!
18
Nokuti kana ndikaʋaka ɀe iɀo ɀandamboputsa, ndinoɀiita muɗariki.
19
Nokuti nomurairo ini ndakafa kumurairo, kuti ndirarame kunaMŋari.
20
Ndakaroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naKristu; handiciri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama ɀino, ndinorarama nokutenda kuri muMŋanakomana waMŋari, wakandiɗa, akaɀipa nokuɗa kwaŋgu.
21
Handikonesi nyasha dzaMŋari; nokuti kana kururamiswa kucibva kumurairo, Kristu wakafa pasina.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6