bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Lamentations 1
Lamentations 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Haiwa, guta, rakaŋga rizere naʋanhu, rinogara sei riri roga! Iro, rakaŋga riri guru pakati pamarudzi, raʋa secirikadzi! Iro, rakaŋga riri ʋamŋoyo pakati penyika, roʋigira mutero.
2
Rinocema ɀikuru ʋusiku, misodzi yaro iri pamatama aro; Pakati paʋaɗiwa ʋaro ʋose rinoshaiwa muʋaraidzi, Shamŋari dzaro dzose dzarinyeŋgera, dzashanduka ʋaʋeŋgi ʋaro.
3
Juda ʋaenda kuʋutorwa nokuɗa kwokutambudzika, nokuɗa kwokuɓatiswa ɀikuru; Ʋanogara pakati pamarudzi, asi haʋawani zororo, Ʋose ʋaidziŋgana naʋo ʋakaʋaɓata pakamanikana.
4
Nzira dzeZioni dzinocema, nokuti hakuna‐wakaʋuya kumutambo, Masuʋo aro ose akaparadzwa, ʋaprista ʋaro ʋanogomera, Mhandara dzaro dzinotambudzika, iro rimene rinoʋaʋirwa.
5
Ʋadziʋisi ʋaro ndiʋo ʋaʋa ʋakuru, ʋaʋeŋgi ʋaro ʋanofara; Nokuti Jehova wakaritambudza nemhaka yokuɗarika kwaro kuzhinji; Ʋana ʋaro ʋaɗuku ʋakaenda kuʋutorwa pamberi pomudziʋisi.
6
Kunaka kwake kwose kwabva pamukunda weZioni; Macinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, Akatiza asinesimba pamberi pounodziŋgana nawo.
7
Namazuʋa okutambudzika nokudzuŋgaira kwaro, Jerusarema rinoraŋgarira ɀose ɀairifadza kubva pamazuʋa akare; Paŋguʋa yakawira ʋanhu ʋaro pamaʋoko omudziʋisi, kusinawakariɓatsira, Ʋadziʋisi ʋakariʋona, ʋakaseka kuparadzwa kwaro.
8
Jerusarema rakatadza ɀikuru kwaɀo, naiɀoɀo raitwa secinhu cisakanaka; Ʋose ʋairikudza, ʋorishoʋora, nokuti ʋakaʋona kushama kwaro; Ɀirokwaɀo, rakagomera, rikadzokera shure.
9
Tȿina yaro yakaŋga iri paŋguʋo yaro, harina‐kuraŋgarira kuguma kwaro; Naiɀoɀo rakanyura ɀinoshamisa, harinamunyaradzi; Tarirai, Jehova, kutambudzika kwaŋgu, nokuti muʋeŋgi waɀikudza.
10
Mudziʋisi watambanudzira ruʋoko rwake kuneɀose ɀaro ɀinofadza; Nokuti rakaʋona marudzi acipinda panɀimbo yaro tȿene, Ʋamakaŋga maraira pamsoro paʋo kuti ʋarege kupinda paʋuŋgano yenyu.
11
Ʋanhu ʋaro ʋose ʋanogomera, ʋanotȿaka ɀokudya; Ʋakapa ɀinhu ɀaʋo ɀinofadza kuti ɀiʋe ɀokudya ɀokusimbisa mŋeya yaʋo; Tarirai, Jehova, muʋone; nokuti ndaitwa wakaɀidzwa.
12
Nhai, imi mose munopfuʋura, hamunehanya naɀo here? Tarirai muʋone kana kucema kuri’po kwakafanana nokucema kwaŋgu, kwakaʋuyiswa pamsoro paŋgu, Kwandakatambudzwa nako naJehova nezuʋa rokutsamŋa kwake kukuru.
13
Wakatuma mŋoto mumafupa aŋgu, ɀicibva kumsoro, ukaʋakunda; Wakadzikira tsoka dzaŋgu mumbure, akandidzosera shure; Wakandiparadza nokundishaisa simba zuʋa rose.
14
Joko rokuɗarika kwaŋgu kuzhinji rakasuŋgwa noruʋoko rwake; Ɀakarukwa, ɀaiswa pamutsipa waŋgu, ɀandishaisa simba raŋgu; Ishe wakandiisa mumaʋoko aʋandisiŋgagoni kudziʋisa.
15
Ishe wakashaisa simba mhare dzaŋgu dzose mukati maŋgu; Wakakokera ʋuŋgano yakatarwa kuzondipxanyira majaya aŋgu; Ishe wakatsika mukunda mhandara yaJuda sapaciȿiniro.
16
Ndinocema nokuɗa kweɀinhu iɀi, ziso raŋgu, ziso raŋgu rinoyerera mvura, Nokuti munyaradzi, waifanira kusimbisa mŋeya waŋgu, uri kure neni; Ʋana ʋaŋgu ʋasiyiwa, nokuti muʋeŋgi wakunda.
17
Zioni rinotambanudza maʋoko aro, hakuna‐uŋgarinyaradza; Jehova wakaraira pamsoro paJakobo, kuti ʋakamupoteredza ʋaʋe ʋadziʋisi ʋake; Jerusarema riri pakati paʋo secinhu cisakanaka.
18
Jehova wakarurama, nokuti ndakamukira murairo wake; Ƌotererai imi ʋanhu ʋose, muʋone kucema kwaŋgu; Mhandara dzaŋgu namajaya aŋgu aenda kuʋutorwa.
19
Ndakaɗana ʋaindiɗa, asi ʋakandinyeŋgera; Ʋaprista ʋaŋgu naʋakuru ʋaŋgu ʋakaparara muguta, Paŋguʋa yaʋakaŋga ʋaciɀitȿakira ɀokudya kusimbisa mŋeya yaʋo.
20
Tarirai, Jehova, nokuti ndiri panjodzi, mŋoyo waŋgu unotambudzika; Mŋoyo waŋgu washanduka mukati maŋgu, nokuti ndaka ku mukirai simba; Kunze munondo uno ndi torera, mumba makaita somunorufu.
21
Ʋakandinzwa ndicigomera, hakuna‐unondiyaradza; Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋose ʋakanzwa nhamo dzaŋgu, ʋanofara kuti makaɀiita; Mucaʋuyisa zuʋa ramakatara, ipapo ʋacafanana neni.
22
Ɀakaipa ɀaʋo ɀose ŋgaɀiʋuye pamberi penyu; Muʋaitire iʋo seɀamakandiitira ini nokuɗa kwokuɗarika kwaŋgu kwose; Nokuti kugomera kwaŋgu kuzhinji, mŋoyo waŋgu washaiwa simba.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5