bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Lamentations 3
Lamentations 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Ndini munhu wakaʋona kutambudzika neshamhu yokutsamŋa kwake.
2
Wakandituŋgamirira akandifambisa murima ndisineciedza.
3
Ɀirokwaɀo unogara aciŋgondiramba zuʋa rose noruʋoko rwake.
4
Wakasakadza nyama yaŋgu neganda raŋgu, wakavuna mafupa aŋgu.
5
Wakandiʋakira ruȿiŋgo kuzorwa neni, wakandikomberedza nenduru nokurwadziwa.
6
Wakandigarisa panɀimbo dzinerima, saʋanhu ʋakaŋguʋa ʋafa.
7
Wakandikomberedza noruȿiŋgo, kuti ndirege kugona kuɓuɗa; wakaremesa maketani aŋgu.
8
Ɀirokwaɀo, kana ndiciɗana nokuridza mhere, unodziʋisa munyeŋgetero waŋgu.
9
Wakadziʋira nzira dzaŋgu noruȿiŋgo rwamabge akaʋezwa, wakakaŋganisa nzira dzaŋgu.
10
Kwandiri wakaita seɓere rinoʋandira, seshumba iri panɀimbo dzisiŋgazikanwi.
11
Wakatsausa nzira dzaŋgu, akandibvarura‐bvarura, wakandiita renje.
12
Wakawembura ʋuta bgake, akandiita cinhu cokuposhera nomuseʋe.
13
Wakapinza miseʋe yegoɓa rake mutȿo dzaŋgu.
14
Ndaʋa cinhu cinosekwa naʋanhu ʋaŋgu ʋose, neciimbo caʋo zuʋa rose.
15
Wakandigutisa neɀinoʋaʋa, wakandinwisa gaʋakaʋa.
16
Wakapedza meno aŋgu norubge, wakandifukidza namaɗota.
17
Makarashira mŋeya waŋgu kure norugare, ndakakaŋganwa kuti ɀakanaka ɀakaɗini.
18
Ini ndikati: Simba raŋgu rapera, neɀandakaŋga ndakatarira kunaJehova.
19
Raŋgarirai kutambudzika kwaŋgu nenhamo yaŋgu, iro gaʋakaʋa nenduru.
20
Mŋeya waŋgu ucaŋgoɀiraŋgarira naɀino, wakakotama mukati maŋgu.
21
Ndinoɀifuŋga iɀo, naiɀoɀo ndinetariro.
22
Nokuɗa kwoʋunyoro bgaJehova tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi.
23
Maŋgwanani ose ɀaʋa ɀitȿa; kutendeka kwenyu kukuru.
24
Jehova ndiwo mugoʋe waŋgu — ndiɀo ɀinotaura mŋeya waŋgu; naiɀoɀo ndicaʋimba naye.
25
Jehova unoitira ɀakanaka ʋanomumirira, naiwo mŋeya unomutȿaka.
26
Ɀakanaka kuti munhu aʋimbe naJehova, amirire ruponeso rwaJehova anyerere,
27
Ɀakanaka kuti munhu atakure joko rake aciri muɗuku.
28
Ŋgaagare ari oga anyerere, nokuti ndiye wakariisa pamsoro pake.
29
Ŋgaaise muromo wake muguruʋa; ɀimŋe tariro ici’po.
30
Ŋgaarinzire ɗama rake kunounomuroʋa, ŋgaagutiswe nokushoʋorwa.
31
Nokuti Ishe haaŋgadziŋgi nokusiŋgaperi.
32
Nokuti kunyaŋge akacemedza, ucanzwira tsitsi nokuwanda kweŋgoni dzake.
33
Nokuti haatambudzi nomŋoyo wake, haacemedzi ʋana ʋaʋanhu.
34
Kuti ʋasuŋgwa ʋose ʋenyika ʋatsikwe pasi petsoka,
35
Kuti ɀakarurama ɀomunhu ɀikaŋganiswe pamberi poWokumsoro‐soro,
36
Kuti munhu arege kururamisirwa pamhaka yake, Ishe haafari naiɀoɀo.
37
Ndianiko uŋgataura, ɀikaitika, kana Ishe asiŋgaɀirairi?
38
Ko ɀakaipa neɀakanaka haɀiɓuɗi pamuromo woWokumsoro‐soro here?
39
Ko munhu mupenyu unonyunyutirei, kana iye munhu acirobga pamsoro peɀiʋi ɀake?
40
Ŋgatinɀere nokuidza nzira dzeɗu, titendeʋukire ɀe kunaJehova.
41
Ŋgatisimudze mŋoyo yeɗu namaʋoko eɗu kunaMŋari uri kuɗeŋga.
42
Takaɗarika noku mu mukira simba; imi hamuna‐ku ti kaŋganwira.
43
Maka ɀi fukidza nokutsamŋa, mukadziŋgana nesu; makaʋuraya, hamuna‐kunzwira tsitsi.
44
Makaɀifukidza negore kuti kurege kuʋa nomunyeŋgetero uŋgapinda’po.
45
Makatiita marara neɀinorashwa pakati pamarudzi aʋanhu.
46
Ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋose ʋakatishamisira miromo yaʋo.
47
Kutya nehuzha ɀaȿika kwatiri nokupedzwa nokuparadzwa.
48
Ziso raŋgu rinoyerera nzizi dzemvura pamsoro pokuparadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu.
49
Ziso raŋgu rinoɗurura misodzi, hariregi, harigumi,
50
Kuȿikira Jehova acitarira aciʋona ari kuɗeŋga.
51
Ziso raŋgu rinorwadzisa mŋeya waŋgu nemhaka yaʋakunda ʋose ʋeguta raŋgu.
52
Ʋakadziŋgana neni ɀikuru seshiri, iʋo, ʋanondiʋeŋga ndisinemhaka.
53
Ʋakaparadza ʋupenyu bgaŋgu mugomba, ʋakakandira ibge pamsoro paŋgu.
54
Mvura zhinji yakafukidza musoro waŋgu; ndakati: Ndapera.
55
Ndakaɗana zita renyu, Jehova, ndiri mugomba rakadzika kwaɀo.
56
Makanzwa inzwi raŋgu; regai kundiʋanzira nzeʋe yenyu pakufema kwaŋgu nokucema kwaŋgu.
57
Makasweɗera nezuʋa randakaɗana kwamuri, makati: Usatya.
58
Ishe, imi makandireʋerera mhaka dzomŋeya waŋgu, makadzikinura ʋupenyu bgaŋgu.
59
Haiwa Jehova, makaʋona kusaruramisirwa kwaŋgu, nditoŋgerei mhaka yaŋgu.
60
Makaʋona kutsiʋa kwaʋo kwose, namano aʋo ose pamsoro paŋgu.
61
Makanzwa kushoʋora kwaʋo, Jehova, namano aʋo ose pamsoro paŋgu,
62
Iyo miromo yaʋakandimukira neɀaʋakandifuŋgira zuʋa rose.
63
Tarirai kugara kwaʋo pasi nokusimuka kwaʋo; ndiri ciimbo caʋo.
64
Imi mucaʋatsiʋa, Jehova, ɀakafanira ɓasa ramaʋoko aʋo.
65
Mucaʋapa kuwoma kwomŋoyo, ndiko kutuka kwenyu pamsoro paʋo.
66
Mucadziŋgana naʋo makatsamŋa, nokuʋaparadza pasi peɗeŋga raJehova.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5