bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Lamentations 5
Lamentations 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
1
Raŋgarirai Jehova, ɀakatiwira; Tarirai, muʋone kushoʋorwa kweɗu.
2
Nhaka yeɗu yaenda kuʋatorwa, Nedzimba dzeɗu kunoʋokumŋe.
3
Tiri nherera naʋasinaɓaɓa; Madzimai eɗu akaita secirikadzi.
4
Takanwa mvura yeɗu ticiita ɀokuteŋga nemari; Huni dzeɗu takadziteŋgeserwa.
5
Ʋanodziŋgana nesu ʋari pamitsipa yeɗu; Taneta, hatinezororo.
6
Takatambanudzira ruʋoko rweɗu kunaʋaEgipita, NokunaʋaAsiria, kuti tigute ɀokudya.
7
Madziɓaɓa eɗu akatadza, ɀino haʋaci’po; Isu takatakura ɀakaipa ɀaʋo.
8
Ʋaranda ʋanotiɓata ʋushe; Hakuna‐uŋgatirwira pamaʋoko aʋo.
9
Tinoɀiwanira ɀokudya ɀeɗu ʋupenyu bgeɗu ʋuri panjodzi, Nemhaka yomunondo uri kurenje.
10
Ganda reɗu raȿiɓa secoto, Nemhaka yokupisa kukuru kwenzara.
11
Ʋakacinyira ʋakadzi paZioni, Nemhandara pamaguta aJuda.
12
Macinda akasuŋgirirwa namaʋoko aʋo, Ʋakuru haʋana‐kukudzwa.
13
Majaya akatakura guyo, Ʋana ʋakagumburwa nokurema kwehuni.
14
Ʋakuru ʋakarega kuȿika pasuʋo, Majaya akarega kuimba kwaʋo.
15
Mufaro womŋoyo weɗu waguma; Kutamba kweɗu kwashanduka kucema.
16
Korona yawa pamisoro yeɗu; Tinenhamo! nokuti takatadza.
17
Nemhaka iyi mŋoyo yeɗu yapera simba; Nemhaka yeɀinhu iɀi meso eɗu haacaʋoni ɀakanaka;
18
Nokuɗa kwegomo reZioni, raʋa ɗoŋgo; Makaʋa anofamba’po.
19
Imi Jehova muri’po nokusiŋgaperi; Cigaro cenyu coʋushe ciri’po kuȿikira kumarudzi namarudzi.
20
Munotikaŋganwireiko nokusiŋgaperi, Munotirashireiko ŋguʋa huru yakaɗai?
21
Tidzoserei kwamuri, Jehova, ipapo ticadzoka; Ʋandudzai mazuʋa eɗu aʋe sakare.
22
Asi makatirasha cose here? Makatitsamŋira ɀikuru here?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
All chapters:
1
2
3
4
5