bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Lamentations 2
Lamentations 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Ishe wakafukidza sei mukunda weZioni negore rokutsamŋa kwake! Wakabvisa kunaka kwaIsraeri akaɀikandira pasi, Akasaraŋgarira citsiko cake nezuʋa rokutsamŋa kwake.
2
Ishe wakamedza ʋugaro bgose bgaJakobo, akasanzwira tsitsi; Pakutsamŋa kwake wakawisira pasi nhare dzomukunda waJuda; Wakadziwisira pasi; wakamhura ʋushe namacinda abgo.
3
Nokutsamŋa kukuru wakagura nyaŋga dzose dzaIsraeri; Wakadzosa ruʋoko rwake rworudyi pamberi pomuʋeŋgi, Akapisa munaJakobo somuraɀo womŋoto unopedza ɀose kumatiʋi ose.
4
Wakawembura ʋuta bgake somuʋeŋgi, wakamira noruʋoko rwake somudziʋisi, Akaʋuraya ʋose ʋaifadza meso; Wakaɗurura kutsamŋa kwake somŋoto patente romukunda weZioni.
5
Ishe waʋa somuʋeŋgi, wakamedza Israeri; Wakamedza dzimba dzaʋo dzose dzoʋushe, wakaparadza nhare dzaʋo; Akawanzira mukunda waJuda kucema nokurira.
6
Wakabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda; wakaparadza nɀimbo yake yokuʋuŋgana; Jehova wakakaŋganwisa paZioni ʋuŋgano yakatarwa nesaɓata, Akashoʋora madzimambo naʋaprista neshuŋgu dzokutsamŋa kwake.
7
Jehova wakarasha artari yake, wakasema nɀimbo yake tȿene, Wakaisa maȿiŋgo edzimba dzaʋo dzoʋushe mumaʋoko omuʋeŋgi; Ʋakaita ɓope mumba maJehova, sapazuʋa reʋuŋgano yakatarwa.
8
Jehova wakafuŋga kuparadza ruȿiŋgo rwomukunda weZioni; Wakatatanura rwonzi rwokuyera, haana‐kudzosa ruʋoko rwake pakuparadza; Wakacemedza nhare noruȿiŋgo, ɀinopera simba pamŋe cete.
9
Masuʋo aro akanyura pasi, wakaparadza nokuvuna ɀipfigiso ɀaro; Mambo waro namacinda aro ʋari pakati pamarudzi asinomurairo. Ɀirokwaɀo ʋaprofita ʋaro haʋana‐ɀaʋanoratidzwa naJehova.
10
Ʋakuru ʋomukunda weZioni ʋagere pasi, ʋanoramba ʋanyerere; Ʋakakushira guruʋa pamisoro yaʋo, ʋakaɀisuŋga ɀiʋuno namasaga; Mhandara dzeJerusarema dzakakotamisa misoro yadzo pasi.
11
Meso aŋgu apera nemisodzi, mŋoyo waŋgu unotambudzika; Ciropa caŋgu caɗururirwa pasi, nemhaka yokuparadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu, Nokuti ʋanana naʋanomna ʋanoziya munzira dzomuguta.
12
Ʋanoti kunamadzimai aʋo: Ɀiyo newaini ɀiripiko? Ʋaciŋgoziya munzira dzomuguta saʋakakuʋadzwa, Mŋeya yaʋo iciɗururirwa mucifuʋa camadzimai aʋo.
13
Ndicakupupureiko? Ndicakufananidza nei, iwe mukunda weJerusarema? Ndicakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZioni? Nokuti pawakaparadzwa pakakura seguŋgwa, ndiani ucakuporesa?
14
Ʋaprofita ʋako ʋakakuʋonera ɀiratidzo ɀenhema neɀoʋupenzi; Haʋana‐kuɓuɗisa ɀakaipa ɀako, kuti ʋadzose kutapxa kwako, Asi ʋakakuʋonera ɀireʋo ɀenhema neɀinokutapisa.
15
Ʋose ʋanopfuʋura ʋacaita nondo pamsoro pako; Ʋanoridza muridzo nokudzuŋgudzira mukunda weJerusarema misoro yaʋo, ʋaciti: Ko ndiro guta rainzi naʋanhu: Rakanaka‐naka kwaɀo, mufaro wenyika yose?
16
Ʋaʋeŋgi ʋako ʋose ʋakakushamisira miromo yaʋo; Ʋanoridza muridzo nokugeɗa‐geɗa meno, ʋanoti: Tarimedza; Ɀirokwaɀo ndiro zuʋa ratakaŋga takatarira; tariwana, tariʋona.
17
Jehova wakaita iɀo ɀaakafuŋga, wakapedzisa shoko rake raakaraira pamazuʋa akare; Wakawisira pasi, akasaʋa netsitsi; Wakafadza muʋeŋgi pamsoro pako, wakasimudza runyaŋga rwaʋadziʋisi ʋako.
18
Mŋoyo yaʋo yakaɗana kunaShe. Iwe ruȿiŋgo rwomukunda weZioni, misodzi ŋgaiyerere sorwizi masikati noʋusiku, Usazorora, mboni yeziso rako isarega kucema.
19
Muka, ɗanidzira ʋusiku, pakutaŋga kweŋguʋa dzose; Ƌurura mŋoyo wako semvura pamberi paJehova; Simudzira maʋoko ako kwaari nokuɗa kwoʋupenyu bgaʋanana ʋako, ʋanoziya nenzara pakuʋamba kwenzira imŋe neimŋe yomuguta.
20
Tarirai, Jehova, muʋone ʋamakaitira ɀakaɗai! Ko ʋakadzi ʋaŋgadya ɀiɓereko ɀaʋo, iʋo ʋana ʋari pamaʋoko here? Ko ʋaprista naʋaprofita ʋaŋgaʋurawa panɀimbo tȿene yaShe here?
21
Majaya naʋatana ʋaʋete pasi munzira dzomuguta; Mhandara dzaŋgu namajaya aŋgu ʋaʋurawa nomunondo; Makaʋaʋuraya nezuʋa rokutsamŋa kwenyu, makaɓaya, hamuna‐kunzwira tsitsi.
22
Makaɗana ɀinondityisa pamatiʋi ose, sapazuʋa reʋuŋgano yakatarwa; Hakuna‐wakapukunyuka kana wakasara pazuʋa rokutsamŋa kwaJehova; Ʋandakaɓata mumaʋoko naʋandakarera ʋakapedzwa nomuʋeŋgi waŋgu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5