bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Lamentations 4
Lamentations 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Haiwa, ndarama yaȿiɓa sei! Ndarama yakaiȿo‐naka yashanduka sei! Mabge enɀimbo tȿene arashirwa pamharadzano dzenzira dzomuguta.
2
Ʋanakomana ʋanoɗikanwa ʋeZioni ʋakafanana nendarama yakaiȿo‐naka, Haiwa ʋakanzi ʋakaita seɀiroŋgo ɀevu sei, iro ɓasa romuʋumbi wehari!
3
Kunyaŋge namakaʋa anoɓuɗisa mazamu, acimŋisa ʋana ʋawo; Mukunda waʋanhu ʋaŋgu waʋa nehasha semhou murenje.
4
Rurimi rwomŋana unomŋa runonamatira mumukanwa womuromo wake nenyota; Ʋanana ʋanokumbira ciŋgwa, asi hakunomunhu unoʋameɗurira.
5
Aʋo ʋaisidya ɀinozipa, ʋarashwa munzira dzomuguta; Ʋairerwa ʋakafuka miceka mitȿuku, ɀino ʋotsiʋama pamaturunhuru.
6
Nokuti ɀakaipa ɀomukunda waʋanhu ʋaŋgu ɀinopfuʋura ɀiʋi ɀeSodoma, Iro rakaparadzwa kamŋe‐kamŋe kusinamaʋoko akariɓata.
7
Macinda aro akaŋga akapfuʋura cando nokunaka, akaŋga akacena kupfuʋura mukaka, Akaŋga akatȿuka pamuʋiri kupfuʋura makorari, pakuʋonekwa akaŋga akaita sesafiri.
8
Ɀiso ɀaʋo ɀaȿiɓa kupfuʋura mazimbe, haʋazikanwi munzira dzomuguta; Ganda raʋo rinonamatira mafupa aʋo, rawoma, rafanana neɗanda.
9
Ʋakaʋurawa nomunondo ʋakaita nani kunaʋakaʋurawa nenzara; Nokuti aʋa ʋawonda, ʋaɓayiwa nokushaiwa ɀiɓereko ɀeminda.
10
Maʋoko aʋakadzi ʋaiʋa nomŋoyo munyoro ʋakaɓika ʋana ʋaʋo, Ɀikaʋa ɀokudya ɀaʋo pakuparadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu.
11
Jehova wakaita ɀaakaŋga aciɗa nokutsamŋa kwake, wakaɗurura hasha dzake huru; Wakaɓatidza mŋoto paZioni, wakapedza nheyo dzaro.
12
Madzimambo enyika haana‐kutenda, kunyaŋge naʋose ʋagere panyika yose, Kuti mudziʋisi nomuʋeŋgi ʋacapinda pamasuʋo eJerusarema.
13
Ɀakaitwa nokuɗa kweɀiʋi ɀaʋaprofita ʋaro, neɀakaipa ɀaʋaprista ʋaro, Ʋakateʋura ropa raʋakarurama pakati paro.
14
Ʋanodzuŋgaira samapofu munzira dzomuguta, ʋakaȿiɓiswa neropa, Naiɀoɀo ʋanhu haʋagoni kuɓata ŋguʋo dzaʋo.
15
Ʋakaɗanidzira kwaʋari ʋaciti: Ibvai, munetȿina! Ibvai, ibvai, regai ku ti ɓata! Paŋguʋa yokutiza nokudzuŋgaira kwaʋo, ʋanhu ʋakati pakati pamarudzi: Haʋaŋgazogari ɀe pano ʋari ʋatorwa.
16
Kutsamŋa kwaJehova kwakaʋaparadzira; haacaʋi nehanya naʋo; Haʋana‐kuraŋgarira ʋaprista, haʋana‐kukudza ʋakuru.
17
Meso eɗu anoŋgopera naɀino acitarira ruɓatsiro rweɗu pasina; Pakutarira kweɗu takatarira rudzi rusiŋgagoni kutiponesa.
18
Ʋanoronda makwara eɗu, naiɀoɀo hatigoni kufamba munzira dzomuguta reɗu; Kuguma kweɗu kwaʋa pedyo, mazuʋa eɗu aȿika, nokuti kuguma kweɗu kwaȿika.
19
Aʋo ʋakadziŋgana nesu, ʋakamhanyisa kupfuʋura makondo okuɗeŋga; Ʋakadziŋgana nesu pamakomo, ʋakatigarira murenje.
20
Mŋeya wemhino dzeɗu, iye muzodzwa waJehova, wakaɓatwa muhuzha dzaʋo; Iye watakati: Pamumvuri wake ndi’po paticararama pakati pamarudzi.
21
Farisisa, uʋe nomufaro, iwe mukunda weEdomi, ugere panyika yeUzi; Mukombe ucaȿika kwauri ʋo; ucaɓatwa newaini ukaɀifukura.
22
Kurobga kweɀakaipa ɀako kwapera, iwe mukunda weZioni; haacazokutapisi ɀe; Iye uca ku roʋa pamsoro pe ɀakaipa ɀako, iwe mukunda weEdomi; iye ucafukura ɀiʋi ɀako.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5