bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Timothy 1
1 Timothy 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
1
Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari, Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu;
2
kuna Timoti, mwana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe.
3
Sezvandakakumbira zvikuru kwauri, ini ndichienda Makedhonia, ndinoti, usare muEfeso, kuti urayire vamwe, varege kudzidzisa dzimwe dzidziso;
4
kana kurangarira ngano namazita amadziteteguru asingaperi, zvinongomutsa nharo, zvisingatendesi zvakarayirwa naMwari, zviri mukutenda.
5
Asi chinovavarirwa nomurayiro ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, napahana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri;
6
vamwe vakarashika pazvinhu izvozvi, vakatsaukira kukutaura kusina maturo;
7
vachitsvaka kuti vave vadzidzisi vomurayiro, vasingazivi zvavanoreva kana zvavanosimbisa.
8
Asi tinoziva kuti murayiro wakanaka, kana munhu achiita nawo sezvinoreva murayiro,
9
achiziva kuti murayiro hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina hanya nomurayiro, navasingateereri, navasingadi Mwari, navatadzi, navasi vatsvene, navasina hanya naMwari, navanorova madzibaba, navanorova madzimai, navanouraya vanhu;
10
nemhombwe, navanopombora navarume, navanoba vanhu, navanoreva nhema, navanopika nhema, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakarurama;
11
sezvinoreva Vhangeri yokubwinya kwaMwari womufaro, yandakapiwa ini.
12
Ndinomuvonga iye Kristu Jesu, Ishe wedu, akandipa simba, nokuti akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake;
13
kunyange ini ndaiva aishonha Mwari kare, nomutambudzi ndichiitira vanhu zvakaipa; asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda;
14
asi nyasha dzaIshe wedu dzakawanda zvikuru nokutenda, norudo ruri muna Kristu Jesu.
15
Ishoko rechokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo, kuti Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi; avo ini ndiri mukuru wavo;
16
asi naizvozvo ndakaitirwa ngoni, kuti Jesu Kristu aratidze mwoyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru wavatadzi, kuti ndive chiratidzo kuna vanozotenda kwaari, zvinovaisa kuupenyu husingaperi.
17
Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari woga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
18
Basa iri, rakarayirwa, ndinokupa iro, iwe Timoti, mwana wangu, kuti sezvazvakaporofitwa kare pamusoro pako, urwe pfumo rakanaka mazviri;
19
wakabata kutenda nehana yakarurama; iyo yakarashwa navamwe, vakarashikirwa nokutenda;
20
vamwe vavo ndiHimenio naArekizanda, vandakaisa kuna Satani, vadzidziswe kuti varege kushonha Mwari.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6