bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Timothy 4
1 Timothy 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
1
Zvino Mweya anoreva pachena, kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzomweya yakaipa,
2
vachinyengerwa navanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa,
3
vachidzivisa vanhu kuwanana, nokurayira kuti zvimwe zvokudya zviregwe, zvakasikwa naMwari, kuti zvigamuchirwe nokuvonga navanotenda, vanoziva chokwadi.
4
Nokuti zvose zvakasikwa naMwari zvakanaka, hakuna chinhu chingafanira kurashwa, kana chichigamuchirwa nokuvonga;
5
nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.
6
Kana uchiudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakatevera nomwoyo wose.
7
Asi urambe ngano dzisina hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari.
8
Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hazvo, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.
9
Ishoko rachokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo.
10
Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda.
11
Rayira nokudzidzisa zvinhu izvi.
12
Munhu ngaarege kuvapo anozvidza uduku hwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambiro, naparudo, napakutenda, napakuchena kwomwoyo.
13
Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa, kusvikira ndichiuya.
14
Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, chawakapiwa nokuporofita, nokuiswa maoko avakuru.
15
Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomwoyo wose, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe navanhu vose.
16
Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6