bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Timothy 3
1 Timothy 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
1
Ishoko rechokwadi, rokuti, kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rakanaka.
2
Naizvozvo mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, akangwara, akachenjera, anomugariro wakafanira, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa,
3
asingadi waini, asingarwi; asi munyoro, asina gakava, asingakariri mari;
4
anobata imba yake zvakanaka, anavana vanozviisa pasi nomugariro wose unokudzwa;
5
(kana munhu asingazivi kubata imba yake, angachengeta seiko kereke yaMwari?)
6
Asava mutendi mutsva, kuti arege kuzozvikudza, atongwe saDhiabhori.
7
Uyezve, unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuti arege kuzvidzwa, nokubatwa mumusungo waDhiabhorosi.
8
Saizvozvowo vashumiri ngavave vanokudzwa, vasina mazwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri pfuma yakaipa;
9
vanochengeta zvakavanzika zvokutenda muhana yakanaka.
10
Naivo ngavatange kuedzwawo, ipapo vashumire, kana vasina chavangapomerwa.
11
Saizvozvo navakadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakasvinuka, vakatendeka pazvose.
12
Vashumiri ngavave varume vanomukadzi mumwechete, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka;
13
nokuti avo vakushumira zvakanaka, vanozviwanira zita rinokudzwa, nokutsunga kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.
14
Zvinhu izvi zvose ndinokunyorera, ndichiti ndichakurumidza kuuya kwauri;
15
zvino kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti vanhu vanofanira kufamba sei mumba maMwari, iyo kereke yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiro chechokwadi.
16
Hakuna angaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa pamweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pavahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6