bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Timothy 2
1 Timothy 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
1
Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinorayira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe;
2
madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugariro unokudzwa.
3
Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu;
4
uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva chokwadi.
5
Nokuti kunongova naMwari mumwechete, noMureveri mumwechetewo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,
6
akazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose, chive chapupu panguva dzazvo,
7
icho chandakaitirwa muparidzi nomupostori (ndinoreva zvirokwazvo, handirevi nhema), nomudzidzisi wavahedheni pakutenda chokwadi.
8
Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza maoko matsvene, vasina kutsamwa nenharo.
9
Saizvozvowo, kuti vakadzi vashonge nguo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana mapera, kana nguo dzinodya mari zhinji;
10
asi ngavashonge mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari.
11
Mukadzi ngaadzidze nokunyarara nokuzviisa pasi kwose.
12
Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare.
13
Nokuti Adhamu akatanga kuumbwa, tevere Evha;
14
naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi akanyengerwa akapinda pakudarika;
15
asi achaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, noutsvene pamwechete nokuzvidzora.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6