bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Timothy 5
1 Timothy 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
1
Usatuke mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun'una,
2
navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomwoyo kwose.
3
Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo.
4
Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari.
5
Zvino kana iri chirikadzi chaiyo, yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inovimba naMwari, inogara ichikumbira nokunyengetera usiku namasikati.
6
Asi iyo inokarira zvinofadza, yakafa ichiri mhenyu.
7
Rayirawo zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.
8
Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, arasa kutenda, akaipa kukunda asingatendi.
9
Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwechete,
10
ino rumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.
11
Asi urambe chirikadzi kana vachiri vakadzi vaduku, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotsvaka kuwanikwa;
12
dzava nemhosva, nokuti dzaramba kutenda kwokutanga;
13
uyezve, dzinodzidza kuva nousimbe dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaitiwo vamakuhwa, dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvisakafanira.
14
Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutongopa muvengi nzira yokupomera nayo.
15
Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.
16
Kana mukadzi mutendi ane chirikadzi, ngaadzibatsire, kereke irege kuremedzwa, kuti igobatsira chirikadzi chaidzo.
17
Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.
18
Nokuti Rugwaro runoti, “Usasunga muromo wenzombe inopura;” uyezve, “Mubati wakafanirwa nomubayiro wake.”
19
Usangotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana ichibva pamiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.
20
Vanotadza uvarange pamberi pavose, kuti vamwe vagotya.
21
Ndinokurayira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, navatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingatongi usati wambonzwa kwazvo, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.
22
Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pomunhu, kana kusangana pazvivi zvavamwe; uzvichengete kuti uve wakachena.
23
Usaramba uchingonwa mvura bedzi, asi unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako noutera hwako huzhinji.
24
Zvivi zvavamwe vanhu zvinoonekwa pachena, zvinotungamirira kutongwa kwavo, vamwezve vanoteverwa nazvo.
25
Saizvozvowo kuna mabasa akanaka anoonekwa pachena, naasina kudaro haangavanzwi.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6