bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Ephesians 1
Ephesians 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
1
Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari paEfeso, nokuna vanotenda muna Kristu Jesu:
2
Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari; baba vedu, naIshe Jesu Kristu.
3
Ngaavongwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, akatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga muna Kristu,
4
sezvaakatitsanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina mhosva, pamberi pake murudo;
5
akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake,
6
kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzakangotipa hake muMudikanwi wake, kurumbidzwe;
7
uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake;
8
dzakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva;
9
akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari;
10
kuti afambise kuzara kwenguva, aunganidzwe muna Kristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi;
11
muna iye, watakaitwawo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokurayira kwaiye, anoita zvose nokufunga kwokuda kwake;
12
kuti tirumbidze kubwinya kwake, isu takatarira kare muna Kristu;
13
muna iye, nemiwo, makanzwa shoko rechokwadi maari, iyo Vhangeri yokuponeswa kwenyu; muna iye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa chisimbiso noMweya Mutsvene wamakapikirwa;
14
uri rubato rwenhaka yedu, kuratidza kudzikinurwa kwavanhu vaMwari chaivo, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.
15
Saka neniwo, ndakati ndanzwa kutenda muna Ishe Jesu kuri pakati penyu, norudo kuvatsvene vose,
16
handiregi kuvonga pamusoro penyu, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;
17
kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya kukuru, akupei mweya wokuchenjera nowokuzarurirwa pakumuziva;
18
mavhenekerwa meso omwoyo wenyu, kuti muzive kuti kudana kwake kune tariro yei, nepfuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene,
19
noukuru hwakapfuurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokubata kwesimba rake guru,
20
raakabata muna Kristu, achimumutsa kuvakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kudenga,
21
kumusoro-soro kwamadzishe ose, noukuru, nesimba, noushe, namazita ose anorehwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi pane inozouyawo;
22
akaisa zvose pasi petsoka dzake, akapa sangano iye, kuti ave musoro wazvose,
23
ndiwo muviri wake kuzara kwaiye anozadzisa zvose muna vose.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6