bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Ephesians 2
Ephesians 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
1
Akakuraramisai imi, makanga makafa nokudarika kwenyu nezvivi zvenyu,
2
izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweya anobata zvino muvana vokusateerera;
3
vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, nopakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa.
4
Zvino Mwari ane nyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo,
5
kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, akatiraramisa pamwechete naKristu makaponeswa nenyasha;
6
akatimutsa pamwechete naye, akatigarisa kudenga pamwechete naye muna Kristu Jesu;
7
kuti nenguva dzinouya aratidze pfuma huru-huru yenyasha dzake paunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu;
8
nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari;
9
hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu anozvikudza.
10
Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti muna Kristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari.
11
Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi “Vasina, kudzingiswa” naivo vanonzi, “Vokudzingiswa,” kuri munyama, kunoitwa namaoko;
12
kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa paushe hwavaIsiraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa, musina tariro, musina Mwari panyika.
13
Asi zvino muna Kristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu.
14
Nokuti ndiye rugare rwedu, iye akaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa;
15
zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murayiro wezvakarayirwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo;
16
kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kuna Mwari, zvaakauraya kuvengana naiwo muchinjikwa;
17
akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kuna ivo vaiva pedyo;
18
nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kuna Baba.
19
Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi matova pamwechete navatsvene, neveimba yaMwari.
20
Makavakwa pamusoro penheyo dzavapostori navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona.
21
Maari imba yose yakasanganiswa kwazvo, inokura, ive temberi tsvene muna Ishe.
22
Maari nemiwo makavakwa pamwechete, kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6