bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Ephesians 6
Ephesians 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
1
Imi vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti ndizvo zvakarurama.
2
Kudza baba vako namai ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa
3
kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.
4
Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokurayira kwaIshe.
5
Imi varanda, teererai avo vari vatenzi venyu panyama, nokutya nokudedera, nemwoyo yakarurama, muchizviita sokuna Kristu;
6
musingabati basa kana muchionekwa bedzi, savafadzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomwoyo wose;
7
muchibata basa nomwoyo wakanaka, muchizviita sokuna Ishe, musingaitiri vanhu;
8
muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka, chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe, achapiwazve naIshe, kana akasungwa kana akasununguka.
9
Nemi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu ari kudenga; haatendi zvinoonekwa zvomunhu.
10
Pakupedzisira ivai nesimba muna Ishe, nomusimba rake guru.
11
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhori.
12
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navane simba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga.
13
Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.
14
Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechipfuva chokururama,
15
makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweVhangeri yorugare;
16
pamusoro paizvozvi makatora nhoo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa.
17
Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro shoko raMwari;
18
munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose,
19
neniwo, kuti ndipiwe shoko kuti ndidudzire ndisingatyi zvakavanzika zveVhangeri,
20
yandiri nhume yayo yakasungwa nengetani; kuti ndizvitaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.
21
Zvino kuti muzivewo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikanwa, nomushumiri akatendeka muna Ishe, uchakuzivisai zvose;
22
ndakamutuwa kwamuri neshoko iri, kuti muzive zvinhu zvedu, anyaradze mwoyo yenyu.
23
Rugare ngaruve nehama, norudo pamwechete nokutenda, zvinobva kuna Mwari, Baba, naIshe Jesu Kristu.
24
Nyasha ngadzive navose vanoda Ishe wedu, Jesu Kristu, norudo rusingaori.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
All chapters:
1
2
3
4
5
6