bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Ephesians 4
Ephesians 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
1
Naizvozvo ini musungwa muna Ishe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako,
2
nokuzvininipisa kwose nounyoro, nomwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo;
3
muchishingaira kuchengeta umwe hwoMweya muchisungo chorugare.
4
Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwawo mutariro imwe yokudanwa kwenyu;
5
Ishe mumwe, nokutenda kumwe; norubhabhatidzo rumwe,
6
naMwari mumwe, naBaba vavose, ari pamusoro pavose, anoshanda muna vose, ari mukati mavose.
7
Asi mumwe nomumwe wedu akapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu.
8
Naizvozvo anoti, “Akakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo.”
9
Zvino kuti, “Akakwira, chinyiko,” asi kuti, akaburukawo kumativi ari pasi penyika?
10
Akaburuka ndiye akakwirawo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose.
11
Zvino akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe vaporofita, vamwe vaparidzi, vamwe vafudzi navadzidzisi;
12
kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu;
13
kudzamara isu tose tisvike paumwe hwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero choukuru hokuzara kwaKristu;
14
kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera;
15
asi tireve chokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro;
16
muviri wose wakasanganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzinosimbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata basa nechiyero chawo kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.
17
Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi muna Ishe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo,
18
vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo;
19
vakazvipa vasina hanya kuutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nookuchiva.
20
Asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,
21
kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri chokwadi muna Jesu:
22
kuti pamufambiro wenyu wokutanga mubvise munhu wekare; unoodzwa nokuchiva kwokunyengetera;
23
muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu,
24
mupfeke munhu mutsva, akasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwechokwadi.
25
Naizvozvo bvisai nhema, mutaure chokwadi, mumwe nomumwe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe.
26
Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa;
27
musapa Dhiabhori nzvimbo.
28
Akaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa anoshaiwa.
29
Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.
30
Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa.
31
Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri;
32
muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6