bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Ephesians 5
Ephesians 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
1
Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa;
2
fambai murudo, Kristu sezvaakakudaiwo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kuna Mwari, zviite hwema hunonhuwira.
3
Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
4
nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.
5
Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakuna mhombwe, kana munhu une tsvina, kana anochiva, ndiye anonamata zvifananidzo, angadya nhaka muushe hwaKristu naMwari.
6
Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pavanakomana vokusateerera.
7
Naizvozvo regai kushamwaridzana navo;
8
nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza muna Ishe; fambai savana vechiedza.
9
Nokuti chibereko chechiedza chiri mukunaka kwose, nokururama, nechokwadi,
10
muchiedza muzive zvinofadza Ishe.
11
Regai kuyanana namabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani kuti muarayire;
12
nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirehwa.
13
Asi zvinhu zvose, kana zvarayirwa, zvinoratidzwa, chava chiedza.
14
Saka iye anoti, “Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu achakuvhenekera.”
15
Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera;
16
mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.
17
Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaIshe.
18
Regai kudhakwa newaini, nokuti ndipo panokusazvidzora, asi muzadzwe noMweya;
19
mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumwoyo yenyu;
20
muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raIshe wedu, Jesu Kristu;
21
muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Kristu.
22
Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kuna Ishe.
23
Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wesangano; iye amene ndiye muponesi womuviri.
24
Asi sangano sezvariri pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo.
25
Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo sangano, akazvipa nokuda kwaro;
26
kuti ariite dzvene achirinatsa nokushambidza nemvura neshoko,
27
kuti azviisire pamberi pake sangano, rinobwinya, risina gwapa, kana kuonyana, kana chinhu chakadai; asi rive dzvene, risina mhosva.
28
Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake, anozvida;
29
nokuti hakuna munhu akatongovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira sangano;
30
nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake.
31
Naizvozvo munhu achasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe.
32
Chakavanzika ichi, chikuru; asi ndinotaura zvaKristu nezvesangano.
33
Asi imiwo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6