bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Proverbs 16
Proverbs 16
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
1
Kurangarira kwomwoyo ndokwomunhu; Asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
2
Nzira dzose dzomunhu anoti dzakanaka pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera zvinangwa.
3
Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, Zvawakarangarira zvigoitika.
4
Jehovha akaitira chinhu chimwe nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyange nowakaipa akaitirwa zuva rezvakashata.
5
Mumwe nomumwe, anomwoyo unozvikudza, anonyangadza Jehovha; Zvirokwazvo, haangakoni kurohwa.
6
Zvakaipa zvinodzikinurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata.
7
Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, Anomuyananisira kunyange namapfumo ake.
8
Zviri nani kuva nezvishoma nokururama, Pakuva nepfuma zhinji nokusarurama.
9
Mwoyo womunhu anozvifungira nzira yake; Asi Jehovha anorairira kufamba kwake.
10
Miromo yamambo inotema zvirevo zvazvokwadi; Muromo wake haungaposhi pakutonga.
11
Chiyero nechienzaniso, chisinganyengeri, chinobva kuna Jehovha; Zviidzo zvose zvehombodo ibasa rake.
12
Zvinonyangadza kana madzimambo achiita zvakaipa; Nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.
13
Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama; Anotaura zvinhu zvakarurama anodikanwa naye.
14
Kutsamwa kwamambo kwakaita senhume dzorufu; Asi munhu akachenjera anokunyaradza.
15
Upenyu huri pakubwinya kwechiso chamambo; Kana achifara munhu zvakaita segore remvura yokupedzisira.
16
Kuwana uchenjeri kunokunda sei kuwana ndarama; zviri nani kutsaura kuwana njere pakuwana sirivha.
17
Mugwagwa, wakapfumba, wavakarurama ndiko kubva pane zvakaipa; Anochenjerera nzira yake anochengeta mweya wake.
18
Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.
19
Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo, Pakugovana zvakapambwa navanozvikudza.
20
Anoteerera Shoko, achawana zvakanaka; Anovimba naJehovha, ano mufaro.
21
Ano mwoyo wakachenjera achanzi akangwara; Uye miromo inotapira inowedzera dzidzo.
22
Njere itsime roupenyu kunoanadzo; Asi kurairira kwamapenzi hupenzi.
23
Mwoyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake, Uchiwedzera dzidzo pamiromo yake.
24
Mashoko, anofadza, akaita somusvi wohuchi, Zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa.
25
Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
26
Nzara yomubati inomubatira; Nokuti muromo wake unomukurumidzira.
27
Munhu, asina maturo, anofungira vamwe zvakaipa; Pamiromo yake pano moto unopisa.
28
Munhu akatsauka anokusha kukakavara; Mucheri anoparadzanisa shamwari dzinodana.
29
Munhu anomanikidza, anonyengedzera wokwake, Achimutungamirira panzira isina kunaka.
30
Munhu anotsinzina meso ake, anozviita kuti afunge zvakatsauka, Anorumana miromo yake, atoita zvakashata.
31
Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka, Inowanikwa panzira yokururama.
32
Ano mwoyo murefu anopfuura ane simba; Anodzora mweya wake, anopfuura anotapa musha.
33
Mijenya inokandirwa panguo dzechipfuva; Asi zvirevo zvose zvinotemwa nayo zvinobva kuna Jehovha.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31