bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Proverbs 7
Proverbs 7
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 8 →
1
Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu, Viga mirairo yangu kwauri.
2
Chengeta mirairo yangu, urarame; Nomurau wangu semboni yeziso rako.
3
Uzvisungire paminwe yako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako.
4
Uti kuuchenjeri, “Ndiwe hanzvadzi yangu; Utumidze njere shamwari yako;”
5
Kuti zvikuchengete pamukadzi wokumwe, Pamutorwa anobata kumeso namashoko ake.
6
Nokuti ndakatarira pawindo yeimba yangu, Pahutanda hwewindo yangu;
7
Ndikatarira pakati pavasina mano, Ndikaona pakati pamajaya Rimwe jaya rakashaiwa njere;
8
Richipfuura nenzira yomumusha pedyo nekona yeimba yomukadzi uyo, Richifamba nenzira kuimba yomukadzi;
9
Nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, Pakati pousiku kwasviba.
10
Zvino tarira, mukadzi akasangana naye, Akanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamwoyo.
11
Anopupira, achiita sezvaanoda; Tsoka dzake hadzigari mumba make;
12
Imwe nguva ari munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; Anorindira pamakona ose.
13
Zvino iye akamubata, akamutsvoda; Akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari,
14
“Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzangu.
15
Saka ndabuda kuzokuchingamidza, Nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana.
16
Ndakawarira machira anohukomba pamubhedha wangu, Nemicheka ina mavara inobva Ijipiti.
17
Ndakasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, Mura, negavakava, nekinamoni.
18
Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani; Ngatizvifadze nokudana kukuru.
19
Nokuti murume haapo pamusha; Akafamba rwendo rukuru;
20
Akaenda nehombodo ine mari; Achadzoka pajenaguru.”
21
Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka anomutsausa, Anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake.
22
Anomutevera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondobayiwa, Kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa;
23
Kusvikira museve wabaya chiropa chake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.
24
Zvino vanakomana vangu, nditeererei, Inzwai mashoko omuromo wangu.
25
Mwoyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba-famba mumakwara ake.
26
Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; Zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo.
27
Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoburukira kudzimba dzorufu.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31