bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Proverbs 30
Proverbs 30
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 31 →
1
Mashoko aAguri, mwanakomana waJake; chirevo chake. Murume anoti kuna Itieri, kuna Itieri naUkari,
2
“Zvirokwazvo, ndiri benzi kupfuura vanhu vose; Handine njere dzomunhu.
3
Handina kudzidza uchenjeri, Uye handina zivo yoMutsvene.
4
Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?
5
Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
6
Usawedzera pamashoko ake, Kuti arege kukupa mhosva, uwanikwe une nhema.”
7
Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri; Musandiramba izvo, ndisati ndafa.
8
Bvisai kure neni zvisina kutendeka nenhema; Regai kundipa urombo kana pfuma; Mundigutse nezvokudya zvakandifanira;
9
Ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti, “Jehovha ndianiko?” Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, Ndimhure zita raMwari wangu.
10
Rega kuudzisira muranda kuna tenzi vake, Arege kukutuka, ukanzi une mhosva.
11
Rudzi ruriko runotuka baba varwo, Rusingaropafadzi mai varwo.
12
Rudzi ruriko runoti pakuona kwedu takachena kwazvo, Asi rusina kunatswa patsvina yarwo.
13
Rudzi ruriko, meso arwo ana manyawi sei! Mafungiro ameso avo akakwidzwa.
14
Rudzi ruriko, meno arwo akafanana neminondo, nameno eshaya dzarwo samapanga, Kuti rupedze varombo panyika, navanoshaiwa pakati pavanhu.
15
Chikweva ropa chinavakunda vaviri, vanoti, “Ndipe! Ndipe!” Zvinhu zvitatu zviriko zvisingatongoguti, Zvina zvisingatongoti, “Zvaringana!”
16
Sheori; nechizvaro chisingabereki; Pasi pasingaguti mvura; Nomoto, usingati, “Zvaringana!”
17
Ziso rinoseka baba, Rinoshora kuteerera mai, Makunguo omupata acharinongora, Vana vegondo vacharidya.
18
Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti:
19
Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba kwomurume nomusikana.
20
Ndizvo zvakaita kufamba kwomukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, “Handina kuita chinhu chakaipa.”
21
Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona;
22
Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya;
23
Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.
24
Zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, Asi zvakachenjera kwazvo, zvinoti;
25
Mujuru, rudzi rusine simba harwo; Kunyange zvakadaro anounganidza zvokudya zvawo muzhizha;
26
Mbira, rudzi rusine simba harwo, Kunyange zvakadaro dzinoita imba yadzo mumatombo;
27
Mhashu hadzina mambo, Kunyange zvakadaro dzinofamba zvakanaka dzichiita mapoka;
28
Chipfira ungachibata namaoko ako, Kunyange zvakadaro chiri mudzimba dzamadzimambo.
29
Zvinhu zvitatu zviriko zvinokufamba kunokudzwa, Zvirokwazvo zvina zvinokufamba kunokudzwa, zvinoti:
30
Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isingatizi mhuka ipi neipi;
31
Nemhuka ine zviuno zakasimba, nenhongo yembudzi; Namambo kana anavarwi vake.
32
Kana uchinge waita noupenzi, wazvikudza, Kana zvimwe warangarira zvakashata, Pfumbira muromo wako.
33
Nokuti mukaka warozva anobudisa mafuta, Nemhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, Saizvozvo hasha dzvavambwa dzinobudisa kukakavara.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31