bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Proverbs 28
Proverbs 28
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 29 →
1
Akaipa anotiza kusina anodzingana naye; Asi vakarurama vanotsunga mwoyo seshumba.
2
Nemhaka yokudarika kwenyika, machinda ayo anowanda; Asi nomumwe, ane njere nezivo, icharamba iripo.
3
Munhu anoshaiwa amene, anomanikidza varombo, Akafanana nemvura inokukura, isingasiyi zvokudya.
4
Vanosiya murayiro, vanorumbidza vakaipa; Asi vanochengeta murayiro, vanoita nharo navo.
5
Vanhu vakashata havanzwisisi zvakarurama; Asi vanotsvaka Jehovha vanonzwisisa zvose.
6
Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura asakarurama anofamba nenzira mbiri, kunyange akapfuma.
7
Anochengeta murayiro, mwanakomana akachenjera; Asi anofambidzana navanhu vana madyo, vanonyadzisa baba vake.
8
Anowedzera pfuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama, Anounganidzira mumwe achava netsitsi navarombo.
9
Anoramba kunzwa murayiro nenzeve yake, Kunyange nomunyengetero wake anonyangadza.
10
Ani naani anorashisa vakarurama vafambe nenzira yakaipa, Achawira amene mugomba rake; Asi vakarurama vachagara nhaka yezvakanaka.
11
Mupfumi anoti ndakachenjera; Asi murombo, ane njere, anomuferefeta.
12
Kana vakarurama vachikunda, mufaro mukuru uriko; Asi kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda.
13
Anofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; Asi anozvireurura, achizvirasha, achawana nyasha.
14
Munhu anogara achitya, anomufaro; Asi anoomesa mwoyo wake, achawira munjodzi.
15
Seshumba inoomba, nebere rinopota-pota, Ndizvo zvakaita mubati akaipa anobata vanhu varombo.
16
Muchinda, anoshaiwa njere, anomanikidza vanhuwo zvikuru; Asi anovenga kuchiva, achawedzera mazuva ake.
17
Munhu, anoremedzwa neropa romumwe munhu, Achatizira kugomba; ngaarege kudziviswa nomunhu.
18
Ani naani anofamba zvakarurama, acharwirwa; Asi anofamba nenzira dzisakarurama, achawa pakarepo.
19
Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi unovangira zvisina maturo, uchava nourombo kwazvo.
20
Munhu akatendeka achava namaropafadzo mazhinji; Asi anoda kupfuma nokukurumidza, haangakoni kurohwa.
21
Kutsaura vanhu hakuna kunaka; Nokuti munhu angadarika nokuda kwechimedu chechingwa.
22
Munhu ano ruchiva, anovangira pfuma, Asingazivi kuti achawirwa nokushaiwa.
23
Anorairira munhu achazowana nyasha pashure, Kupfuura iye anobata kumeso norurimi rwake.
24
Anobira baba vake kana amai vake, achiti, “Hakuzi kudarika,” Uyu ishamwari yoanoparadza.
25
Ano mweya wokuchiva anomutsa kukakavara; Asi anovimba naJehovha, achasimbiswa.
26
Anotenda mwoyo wake, ibenzi; Asi anofamba nouchenjeri, acharwirwa.
27
Anopa varombo, haangazoshaiwi; Asi anotsinzina meso ake, achatukwa kazhinji.
28
Kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda; Asi kana voparara, vakarurama vowanda.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31