bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Proverbs 19
Proverbs 19
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
1
Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura ane miromo isakarurama, iri benzi.
2
Uye, kushingaira kusine zivo hakuna kunaka; Anokurumidza namakumbo ake anorasha nzira.
3
Upenzi hwomunhu hunokanganisa nzira yake; Mwoyo wake unotsamwira Jehovha.
4
Pfuma inouyisa shamwari zhinji; Asi murombo anosiyiwa neshamwari yake.
5
Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema haangapukunyuki.
6
Vazhinji vachatsvaka nyasha yomunhu anopavhurira; Munhu mumwe nomumwe ishamwari yoanopa zvipo.
7
Hama dzose dzomurombo dzinomuvenga; Zvikuru shamwari dzake dzinoparadzana naye! Anovatevera namashoko, asi vaenda!
8
Anowana huchenjeri, anoda hupenyu hwake; Anochengeta njere, achawana zvakanaka.
9
Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema achaparadzwa.
10
Kugara pakati pezvakanaka hazvifaniri benzi; Ndoda sei kuti muranda ave ishe wamachinda.
11
Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; Kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.
12
Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; Asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pauswa.
13
Mwanakomana benzi inhamo yababa vake; Uye kukakavara kwomukadzi kudonha kusingaperi kwemvura.
14
Dzimba nepfuma inhaka inobva kuna madzibaba; Asi mukadzi akangwara anobva kuna Jehovha.
15
Usimbe hunowisira munhu pahope huru; Munhu asingabati achafa nenzara.
16
Anochengeta murayiro, anochengeta upenyu hwake; Asi asina hanya nenzira dzake achafa.
17
Anonzwira varombo tsitsi, anoposana naJehovha; Achamuripira basa rake rakanaka.
18
Ranga mwanakomana wako, nokuti tariro ichipo; Usatsvaka kumuuraya.
19
Munhu ane hasha zvikuru acharohwa; Nokuti kana uchimurwira, unongozvinyanyisa.
20
Teerera kana uchirairirwa, unzwe kana uchidzidziswa, Kuti pashure ugova wakachenjera.
21
Mumwoyo womunhu mune ndangariro zhinji; Asi kurairira kwaJehovha ndiko kuchamira.
22
Munhu anodikanwa nokuda kwounyoro hwake; Murombo kurinani pamurevi wenhema.
23
Kutya Jehovha kunoisa kuupenyu; Unako, uchavata zvakanaka, Haangavingiwi nezvakaipa.
24
Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, isingadi kutongorudzosera kumuromo wayozve.
25
Rova mudadi, ipapo asina mano achazvingwarira; Raira ane njere, ipapo achanzwisisa zivo.
26
Anoitira baba vake simba, nokudzinga mai vake, Mwanakomana unonyadzisa nokuita zvinonyadza.
27
Mwanakomana wangu, rega kuteerera kana uchidzidziswa, Kana uchida hako kutsauka pamashoko ezivo.
28
Chapupu chisina maturo chinodada nokururama; Muromo wavakaipa unomedza zvakaipa.
29
Kutongwa kwakagadzirirwa vadadi; Neshamhu misana yamapenzi.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31