bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Song of Solomon 1
Song of Solomon 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 2 →
1
Rwiyo rukuru rwaSoromoni.
2
Ngaanditsvode nokutsvoda kwomuromo wake; Nokuti rudo rwako rwakanaka kupfuura waini.
3
Zvizoro zvako zvinonhuwira zvakanaka; Zita rako rakaita samafuta akadururwa; Saka mhandara dzinokuda.
4
Ndikwevere kwauri; tichakutevera tichimhanya; Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati; Tichafara nokukufarira zvikuru iwe; Ticharumbidza rudo rwako kupfuura waini; Zvakarurama zvavakakuda.
5
Ndakasviba, asi ndakanaka hangu, Imi vakunda veJerusaremu, Samatende eKedhari, Semicheka yakaremberedzwa yaSoromoni.
6
Musanditarira, zvandakasviba, Nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira, Vakandiita murindi weminda yemidzambiringa; Asi munda wangu wemidzambiringa handina kuuchengeta.
7
Ndiudze iwe, unodikanwa nomweya wangu, Kuti unofudza boka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; Nokuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamwari dzako?
8
Kana usingazivi, iwe unopfuura vakadzi vose nokunaka, Tevera makwara amapoka, Ufudze makwayana ako kurutivi rwamatende avafudzi.
9
Ndakakufananidzira iwe, shamwari yangu, Nebhiza pangoro dzaFarao.
10
Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi; Mutsipa wako nezvibwe zvinokosha zvakatungirwa.
11
Tichakuitira zvirukwa zvendarama Nezvuma zvesirivha.
12
Nguva yose mambo agere patafura yake, Nado yangu yakabudisa kunhuwira kwayo.
13
Mudiwa wangu akaita kwandiri sehombodo yemura, Inogara pakati pamazamu angu.
14
Mudiwa wangu akaita kwandiri sesumbu ramaruva ehena, Paminda yemidzambiringa paEngedhi.
15
Tarira, akanaka, shamwari yangu; Tarira, akanaka; Meso ako akafanana neenjiva.
16
Tarira, akanaka, mudiwa wangu, zvirokwazvo, unofadza; Uvato hwedu ndipo pabumhudza.
17
Matanda eimba yedu ndeemisidhari; Mbariro dzayo ndedzemisiperesi.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8