bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Song of Solomon 2
Song of Solomon 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 3 →
1
Ndiri ruva rebundo rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani.
2
Seruva pakati peminzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda.
3
Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukanwa wangu.
4
Akandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo.
5
Nditsigirei namadzambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; Nokuti ndinorwara norudo.
6
Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu; Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira.
7
Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
8
Inzwai izwi romudiwa wangu! Tarirai, wouya, Achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo.
9
Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu; Anotarira napamawindo; Anodongorera napazvitanda zvamawindo.
10
Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, “Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!”
11
Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda;
12
Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nezwi renjiva rinonzwika panyika yedu.
13
Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye midzambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuwira kwawo; Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu huya!
14
Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe izwi rako; Nokuti izwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.
15
Tibatirei makava, makava maduku, Anotadzira minda yemidzambiringa; Nokuti minda yedu yemidzambiringa yotunga maruva.
16
Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake; Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo.
17
Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza, Tendeuka, mudiwa wangu, uve semharapara nomwana wenondo Pamusoro pamakomo eBheteri.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8