bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Song of Solomon 7
Song of Solomon 7
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 8 →
1
Tsoka dzako dzakanaka seiko mushangu, iwe mukunda womuchinda! Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita sezvishongo, Basa ramaoko emhizha.
2
Guvhu rako rakaita somukombe wakatendereka, Musingashaikwi waini yakavhenganiswa; Chiuno chako chaita sedutu rezviyo Rakakomberedzwa namaruva.
3
Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vana vakaberekwa vari vaviri.
4
Mutsipa wako wakaita seshongwe yorunyanga rwenzou; Meso ako samakuvi paHeshibhoni, Pasuo reBhatirabhimi; Mhindo dzako dzakafanana neshongwe yeRebhanoni Yakatarisana neDhamasiko.
5
Musoro wako pamusoro pako wakafanana neKarimeri; Nevhudzi romusoro wako nomucheka mutsvuku; Mambo akasungwa nevhudzi rakapetana.
6
Wakanaka sei, unogadza sei, Mudiwa, pakati pezvinofadza.
7
Umiro hwako hwakafanana nomuchindwe, Namazamu ako namasumbu ezvibereko zvawo.
8
Ndakati, ndichakwira mumuchindwe, Ndibate matavi awo; Mazamu ako ngaave samasumbu emidzambiringa, Nokunhuwira kwemhino dzako sokunhuwira kwamaapuri,
9
Nomuromo wako sewaini yakaisvonaka, Inotapira mudikanwa wangu pakunwiwa kwayo, Inoyerera pamiromo yavavete.
10
Ndini womudiwa wangu; Kuda kwake kunondivinga.
11
Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango, Ngatigare mumisha.
12
Ngatifumire kuminda yemidzambiringa; Tindoona kana mudzambiringa watunga; Kana maruva akura, Kana matamba atunga maruva; Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.
13
Mudiwadiwa anobudisa kunhuwira. Pamikova yedu panezvinonaka zvamarudzi ose, zvitsva nezvisharu, Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8