bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Song of Solomon 5
Song of Solomon 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 6 →
1
Ndapinda mumunda mangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuwira zvangu; Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu; Ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; Inwai, zvirokwazvo, inwai zvikuru, vadiwa vangu.
2
Ndakanga ndivete, asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura; Izwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, akakwana wangu; Nokuti musoro wangu uzere nedova, Vhudzi rangu namadonhedza ousiku.”
3
Ndabvisa nguo yangu; ndingaifuka sei? Ndashambidza tsoka dzangu; ndingadzisvibisa sei?
4
Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake napavhuri romukova, Mwoyo wangu ukamushuva.
5
Ndakasimuka, ndichiti ndizarurire mudiwa wangu; Maoko angu akadonha mura, Neminwe yangu mura inoyerera, Pazvibato zvechizarira.
6
Ndakazarurira mudiwa wangu; Asi mudiwa wangu akanga atendeuka, aenda. Mweya wangu akanga watorwa pakutaura kwake; Nakamutsvaka, asi handina kumuwana; Ndikamudana, asi haana kundipindura.
7
Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Vakandirova, vakandikuvadza; Vatariri vamasvingo vakanditorera jasi rangu.
8
Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kana mukawana mudiwa wangu, Mumuudze kuti ndinorwara norudo.
9
Ko mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa neiko, Nhai, iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Ko mudiwa wako unopfuura vamwe vadiwa neiko, Zvaunotipikira saizvozvo?
10
Mudiwa wangu akachena nokutsvuka, Anozikanwa pakati pezana ramazana.
11
Musoro wake wakaita sendarama yakaisvonaka; Vhudzi rake rakapetana, idema segunguo.
12
Meso ake akaita seenjiva pahova dzemvura, Dzakashambwa nomukaka, sezvibwe zvakarongedzwa zvakanaka.
13
Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira, Samatutu emiriwo inonaka; Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura inoyerera.
14
Maoko ake akaita samapango endarama, akaiswa bheriri; Muviri wake wakaita senyanga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro.
15
Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kwose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari.
16
Muromo wake wakanaka kwazvo; Zvirokwazvo, wakaisvonaka kwazvo-kwazvo. Ndizvo zvakaita mudiwa wangu, ndizvo zvakaita shamwari yangu, Imi vakunda veJerusaremu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8