bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Song of Solomon 3
Song of Solomon 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 4 →
1
Usiku, ndiri panhoo dzangu, Ndakamutsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana.
2
Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana.
3
Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, “Matongoona anodikanwa nomweya wangu here?”
4
Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka.
5
Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
6
Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje Seshongwe dzohutsi, Anonhuwira nemura nezvinonhuwira, Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi?
7
Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa; Mhare dzina makumi matanhatu dzakachikomberedza, Vanobva pamhare dzavaIsiraeri.
8
Vose vanoziva kubata munondo, vakadzidza kurwa; Murume mumwe nomumwe anomunondo wake pahudyu yake, Nokuda kwezvinotyisa usiku.
9
Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa Chamatanda eRebhanoni.
10
Akaita mbiru dzacho nesirivha, Musana wacho nendarama, pokugara kwacho nomucheka mutsvuku, Mukati macho makarongwa norudo Rwavakunda veJerusaremu.
11
Budai, imi vakunda veZioni, muone mambo Soromoni, Ane korona yaakadzikwa namai vake Pazuva rokuwana kwake, Napazuva romufaro womwoyo wake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8