bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
2 Chronicles 11
2 Chronicles 11
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 12 →
1
Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akakurudzira imba yaJudha naBenjamini, varume zviuru zana namakumi masere zvavarwi, kuti varwisane neIsraeri vatorezve umambo hwaRehobhoamu.
2
Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,
3
“Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBenjamini, uti,
4
‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’ ” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.
5
Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti:
6
Bheterehema, Etami, Tekoa,
7
Bheti Zuri, Soko, Adhurami,
8
Gati, Maresha, Zifi,
9
Adhoraimi, Rakishi, Azeka,
10
Zora, Aijaroni neHebhuroni. Aya ndiwo aiva maguta enhare muJudha neBhenjamini.
11
Akasimbisa nhare dzawo akaisa vakuru vehondo maari, nezvokudya zvizhinji, mafuta omuorivhi newaini.
12
Akaisa nhoo namapfumo mumaguta ose, akaaita kuti ave akasimba kwazvo. Saka Judha neBhenjamini vaiva vake.
13
Vaprista navaRevhi kubva kumatunhu ose muIsraeri yose vaiva kurutivi rwake.
14
Vaprista navaRevhi vakatosiya mafuro ezvipfuwo zvavo nemidziyo yavo vakauya kuJudha neJerusarema nokuti Jerobhoamu navanakomana vake vakanga vavaramba savaprista vaJehovha.
15
Uye iye akagadza, vaprista vake pachake kuvaisa panzvimbo dzakakwirira uye nezvifananidzo zvembudzi nezvemhuru zvaakanga agadzira.
16
Vose vaibva kumarudzi ose aIsraeri vakaisa mwoyo yavo pakutsvaga Jehovha, Mwari waIsraeri, vakatevera vaRevhi kuJerusarema kuti vandopa zvibayiro kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
17
Vakasimbisa umambo hwaJudha vakatsigira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni kwamakore matatu, vachifamba munzira dzaDhavhidhi naSoromoni panguva iyoyi.
18
Rehobhoamu akawana Maharati aiva mwanasikana womwanakomana waDhavhidhi ainzi Jerimoti uye waAbhihairi mwanasikana womwanakomana waJese ainzi Eriabhi.
19
Akamuberekera vanakomana vaiti, Jeushi, Shemaria naZahamu.
20
Ipapo akawana Maaka mwanasikana waAbhusaromu akamuberekera Abhija, Atai, Ziza naSheromiti.
21
Rehobhoamu aida Maaka mwanasikana waAbhusaromu kupfuura vamwe vakadzi vake navarongo vake vose. Pamwe chete aiva navakadzi gumi navasere, navarongo makumi matanhatu, vanakomana makumi maviri navasere, navanasikana makumi matanhatu.
22
Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka kuti ave muchinda mukuru pakati pavana vababa vake kuitira kuti azova mambo.
23
Akaita zvakachenjera akaparadzira vamwe vavanakomana vake mumatunhu ose eJudha neBhenjamini nokumaguta ose enhare. Akavapa zvinhu zvizhinji akavawanira vakadzi vakawanda.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36