bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
2 Chronicles 13
2 Chronicles 13
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
1
Mugore gumi norusere rokutonga kwaJerobhoamu, Abhija akava mambo weJudha.
2
Uye akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka, mwanasikana waUrieri weGibhea. Pakava nokurwisana pakati paAbhija naJerobhoamu.
3
Abhija akaenda kundorwa nehondo yaive navarume zviuru mazana mana vaigona kurwa, uye Jerobhoamu akamurwisa navarwi zviuru mazana masere vaigona kurwa.
4
Abhija akamira paGomo reZemaraimi munyika yezvikomo yeEfuremu akati, “Iwe Jerobhoamu neIsraeri yose teererai kwandiri!
5
Hamuzivi here kuti Jehovha Mwari waIsraeri, akapa umambo hwaIsraeri kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi nesungano yemunyu?”
6
Asi Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mumwe wavakuru vaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi akapandukira mambo wake.
7
Vamwe vakapikisana naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni paakanga achiri mudiki asati ava kugona kuzvisarudzira zvaaida uye asati asimba kuti angarwisana navo.
8
“Uye zvino mava kurangana kurwisana noumambo hwaJehovha, huri mumaoko ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Zvirokwazvo muri hondo huru; uye mune zvimhuru zvegoridhe zvakagadzirwa naJerobhoamu kuti zvive vamwari venyu.
9
Asi hamuna kudzinga here vaprista vaJehovha, vanakomana vaAroni navaRevhi mukagadza vaprista venyu moga sezvinoitwa navamwe vanhu vedzimwe nyika? Ani naani anenge auya kuzozvitsaura nehando diki namakondohwe manomwe anogona kuva muprista wezvisiri zvamwari.
10
“Asi kana tiri isu, Jehovha ndiye Mwari wedu, uye hatina kumurasa. Vaprista vanoshumira Jehovha vana vaAroni, uye vaRevhi vanovabatsira.
11
Mangwanani namanheru oga oga vanopisa zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuwira kuna Jehovha. Vanoisa chingwa patafura yakanatswa uye vanobatidza mwenje iri pazvigadziko zvegoridhe manheru oga oga. Tiri kutevera zvinodikanwa naJehovha Mwari wedu asi imi makamurasa.
12
Mwari anesu; ndiye mutungamiri wedu. Vaprista vake nehwamanda dzavo vachakuridzirai mhere yehondo. Varume veIsraeri, musarwisana naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu, nokuti hamuzokundi.”
13
Zvino Jerobhoamu akanga atuma mamwe mapoka avarwi nokushure kwavo kuitira kuti iye paainge ari mberi kwaJudha vamwe vainge vakavandira shure kwavo.
14
VaJudha vakatendeuka vakaona kuti vakanga vava kurwiswa kwose mberi neshure. Ipapo vakachema kuna Jehovha. Vaprista vakaridza hwamanda dzavo,
15
varume veJudha vakaita mhere yehondo. Pakangonzwikwa mhere yehondo, Mwari akaparadza Jerobhoamu neIsraeri yose pamberi paAbhija navanhu veJudha.
16
VaIsraeri vakatiza pamberi paJudha uye Mwari akavaisa mumaoko avo.
17
Abhija navanhu vake vakaparadza vazhinji vavo kwazvo, zvokuti zviuru mazana mashanu zvavarume vaigona kurwa pakati paIsraeri vakafa.
18
Varume veIsraeri vakakundwa panguva iyi, uye varume veJudha vakakunda nokuti vaivimba naJehovha, Mwari wamadzibaba avo.
19
Abhija akatevera Jerobhoamu akatora kubva kwaari maguta anoti Bheteri, Jeshana, neEfuroni nemisha yawo yakapoteredza.
20
Jerobhoamu haana kuzotongazve panguva yaAbhija. Uye Jehovha akamurova akafa.
21
Asi Abhija akakura pasimba. Akawana vakadzi gumi navana uye akava navanakomana makumi maviri nevaviri uye navanasikana gumi navatanhatu.
22
Mamwe mabasa okutonga kwaAbhija, zvaakaita nezvaakataura, zvakanyorwa mumashoko ezvinyorwa zvamuprofita Idho.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→