bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
2 Chronicles 12
2 Chronicles 12
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 13 →
1
Mushure mokunge chinzvimbo chaRehobhoamu samambo chasimbiswa, uye paakanga asimba, iye neIsraeri yose pamwe chete vakasiya murayiro waJehovha.
2
Nokuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Shishaki mambo weIjipiti akarwisa Jerusarema mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu.
3
Nengoro chiuru namazana maviri navatasvi vamabhiza zviuru makumi matanhatu navarwi vokuRibhiya, Suki neEtiopia vakanga vasingaverengeki vaakauya navo kubva kuIjipiti,
4
akakunda maguta enhare eJudha kusvika kuJerusarema.
5
Ipapo muprofita Shemaya akauya kuna Rehobhoamu nokuvatungamiri veJudha vakanga vaungana muJerusarema vachitya Shishaki, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, ‘Makandirasa; naizvozvo zvino ndava kukurasirai kuna Shishaki.’ ”
6
Vatungamiri veIsraeri namambo vakazvininipisa vakati, “Jehovha akarurama.”
7
Jehovha pavakaona kuti vazvininipisa shoko iri raJehovha rakauya kuna Shemaya richiti, “Nokuda kwokuti vazvininipisa, handichavaparadzi asi munguva pfupi ndichavanunura. Kutsamwa kwangu hakuchadururirwa paJerusarema kubudikidza naShishaki.
8
Zvisinei hazvo, vachava pasi pake kuti vadzidze mutsauko uri pakati pokundishumira nokushumira madzimambo edzimwe nyika.
9
Shishaki mambo weIjipiti paakarwisa Jerusarema akatakura pfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yomumuzinda wamambo. Akatora zvose kusanganisira nhoo dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.
10
Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kutsiva idzo dzakanga dzatorwa akadzipa vakuru vavarindi vaiva pabasa pamukova wokupinda mumuzinda woumambo.
11
Pose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaienda naye, vakabata nhoo idzi uye vapedza vaizodzidzorera kuimba yavarindi.
12
Nokuti Rehobhoamu akazvininipisa kutsamwa kwaJehovha kwakabva kwaari, uye haana kuparadzwa zvachose. Zvirokwazvo makava nezvimwe zvakanaka muJudha.
13
Mambo Rehobhoamu akazvisimbisa kwazvo muJerusarema akaramba ari mambo. Akanga ane makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta raJehovha raakanga azvisarudzira pamarudzi ose eIsraeri kuti aise Zita rake. Zita ramai vake rainzi Naama; vaiva muAmoni.
14
Akaita zvakaipa nokuti akanga asina kuisa mwoyo wake pakutsvaga Jehovha.
15
Mabasa okutonga kwaRehobhoamu kubva kutanga kwake kusvikira kwokupedzisira, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo raShemaya muprofita neraIdho muoni? Paiva nokurwisana nguva dzose pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.
16
Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Uye Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36