bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
2 Chronicles 26
2 Chronicles 26
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 27 →
1
Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Uzia akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.
2
Ndiye akazovakazve Erati akaridzorera kuJudha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake.
3
Uzia aiva namakore gumi namatanhatu paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Mai vake vainzi Jekonia uye vaibva kuJerusarema.
4
Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvangoitwa nababa vake Amazia.
5
Akatsvaka Mwari pamazuva eZekaria, uyo aimurayira mukutya Mwari. Pose paaitsvaka Jehovha, Mwari akaita kuti abudirire.
6
Akandorwisa vaFiristia akaputsa masvingo eGati, Jabhine neAshidhodhi. Akavakazve maguta aiva pedyo neAshidhodhi nokumwewo pakati pavaFiristia.
7
Mwari akamubatsira mukurwisa vaFiristia navaArabhu vaigara muGuri Bhaari uye paakarwa navaMeuni.
8
VaAmoni vakavigira Uzia mitero, uye mbiri yake yakandosvika kumucheto kweIjipiti nokuti akanga asimba kwazvo.
9
Uzia akavaka shongwe muJerusarema paSuo Repakona, paSuo Rokumupata, napakudzoka kworusvingo, akadzisimbisa.
10
Akavakazve shongwe murenje uye akachera matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvakawanda mujinga mezvikomo nomumapani. Aiva navanhu vaishanda muminda yake nomuminda yemizambiringa mumakomo nomunyika yakaorera, nokuti aida ivhu kwazvo.
11
Uzia aiva navarwi vakadzidzira kwazvo kurwa, vakanga vakagadzirira kubuda vari mumapoka avo maererano nouwandu hwavo sokuunganidzwa kwavakanga vaitwa naJeyeri munyori naMaaseya mukuru akanga ari pasi paHanania mumwe wavakuru vamambo.
12
Uwandu hwavatungamiri vemhuri vaiva pamusoro pavarwi hwaisvika zviuru zviviri namazana matanhatu.
13
Pasi pavo paiva nehondo yaiva navarume zviuru mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vakadzidziswa kurwa, hondo yakanga yakasimba kwazvo kuti itsigire mambo pakurwisana navavengi vake.
14
Uzia akavapa nhoo, mapfumo nguwani, nenguo dzamatare, uye uta namabwe okupfura nawo.
15
MuJerusarema akagadzira michina yakagadzirwa navarume vane umhizha kuti ishandiswe pamusoro peshongwe napamakona kuti igopotsera miseve nokupotsera matombo makuru. Mbiri yake yakapararira kunzvimbo dziri kure, nokuti akabatsirwa zvikuru kusvikira ava nesimba.
16
Asi Uzia paakava nesimba, kuzvikudza kwake kwakamutungamirira mukuwa kwake. Haana kutendeka kuna Jehovha Mwari wake, uye akapinda mutemberi yaJehovha kundopisira zvinonhuwira paaritari yezvinonhuwira.
17
Azaria muprista navamwe vaprista vaJehovha makumi masere vakanga vasingatyi vakamutevera mukati.
18
Vakamutongesa vakati, “Hazvina kufanira kwamuri imi, Uzia, kuti mupisire zvinonhuwira kuna Jehovha. Izvozvo ndezvavaprista, vanakomana vaAroni, vakatsaurirwa kuti vapise zvinonhuwira. Budai munzvimbo tsvene, nokuti hamuna kutendeka, uye hamungazokudzwa naJehovha Mwari.”
19
Uzia uyo akanga aine mbiya yokupisira zvinonhuwira muruoko rwake, akatsamwa kwazvo. Paakanga achakatsamwira vaprista pamberi pavo, pamberi pearitari yezvinonhuwira mutemberi yaJehovha, maperembudzi akamera pahuma yake.
20
Azaria mukuru wavaprista, navaprista vose pavakatarisa kwaari, vakaona kuti akanga ava namaperembudzi pahuma yake, saka vakakurumidza kumuburitsamo. Zvirokwazvo iyewo pachake akanga ava kuda kubuda nokuti Jehovha akanga amurova nechirwere.
21
Mambo Uzia akava namaperembudzi kusvikira musi waakafa. Aigara asingabvumirwi kupinda mutemberi yaJehovha. Jotamu mwanakomana wake ndiye aitonga mumuzinda uye nokutonga vanhu venyika.
22
Zvimwe zvakaitwa mukutonga kwaUzia kubva pakutanga kusvika pakupedzisira zvakanyorwa nomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi.
23
Uzia akazorora namadzibaba ake akavigwa pedyo navo mumunda wemakuva waiva wamadzimambo, nokuti vanhu vakati, “Aiva namaperembudzi.” Jotamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36