bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
2 Chronicles 21
2 Chronicles 21
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 22 →
1
Ipapo Jehoshafati akazozorora namadzibaba ake akavigwa navo muguta raDhavhidhi uye Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
2
Vanun'una vaJehoramu vanakomana vaJehoshafati vaiti Azaria, Jehieri, Zekaria, Azariyahu, Mikaeri naShefatia. Vose ava vaiva vanakomana vaJehoshafati mambo weIsraeri.
3
Baba vavo vakanga vavapa zvipo zvakawanda zvesirivha negoridhe nezvinhu zvinokosha pamwe chete namaguta ana masvingo muJudha, asi akanga apa umambo kuna Jehoramu nokuti aiva mwanakomana wake wokutanga.
4
Jehoramu paakazvisimbisa paumambo hwababa vake, akauraya vanun'una vake vose pamwe chete navamwe vana voumambo veIsraeri.
5
Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore masere.
6
Akafamba nenzira dzamadzimambo eIsraeri, sezvakanga zvaitwa neimba yaAhabhu nokuti akawana mwanasikana waAhabhu. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
7
Zvisinei hazvo, nokuda kwesungano yakanga yaitwa naJehovha naDhavhidhi, Jehovha haana kuda kuparadza imba yaDhavhidhi. Akanga avimbisa kuchengetedza mwenje wake nezvizvarwa zvake nokusingaperi.
8
Panguva yaJehoramu, Edhomu yakapandukira Judha ikagadza mambo wayo.
9
Saka Jehoramu akaendako namachinda ake nengoro dzake dzose. VaEdhomu vakamukomba navakuru vake nengoro dzake asi akasimuka akabuda pakati pavo nousiku.
10
Kusvikira nhasi vaEdhomu vakaramba vakamukira Judha. Ribhina yakavamukirawo panguva imwe cheteyo, nokuti Jehoramu akanga arasa Jehovha, Mwari wamadzibaba ake.
11
Akanga avakawo nzvimbo dzakakwirira pamakomo eJudha akaita kuti vanhu veJerusarema vaite upombwe akatungamirira Judha mukurasika.
12
Jehoramu akatambira tsamba kubva kuna muprofita Eria yaiti: “Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Hauna kufamba munzira dzababa vako Jehoshafati kana dzaAsa mambo weJudha.
13
Asi wakafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri uye wakatungamirira Judha navanhu vose veJerusarema mukuita upombwe sezvakaitwa neimba yaAhabhu. Wakaurayawo hama dzako, nhengo dzeimba yababa vako varume vakanga vari nani kupfuura iwe.
14
Saka zvino Jehovha ava kuda kuparadza vanhu vako, vanakomana vako, vakadzi vako nechose chinonzi ndechako, neshamhu inorema kwazvo.
15
Iwewe pachako ucharwara zvikuru nechirwere chomuura, kusvikira chirwere ichi chaita kuti ura hwako hubude kunze.’ ”
16
Jehovha akamutsa vaFiristia navaArabhu vaigara pedyo navaEtiopia kuti varwise Jehoramu.
17
Vakarwisa Judha, vakaipamba vakatakura zvinhu zvose zvavakawana mumuzinda wamambo pamwe chete navanakomana vake navakadzi vake. Hakuna mwanakomana mumwe chete akasiyiwa kwaari kunze kwaAhazia mudiki pane vose.
18
Shure kwaizvozvi zvose, Jehovha akarwadzisa Jehoramu nechirwere chisingarapike choura.
19
Nokufamba kwenguva mukupera kwegore rechipiri maura ake akabuda kunze nokuda kwechirwere ichi, uye akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vose havana kuvesa moto wokumuremekedza sezvavakanga vaitira baba vake.
20
Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Paakafa hapana akarwadziwa nokufa kwake, akavigwa muguta raDhavhidhi asi kwete kumakuva amadzimambo.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
2 Chronicles Commentaries
→
Devotional
2 Chronicles Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→