bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Isaiah 32
Isaiah 32
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 33 →
1
Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira.
2
Munhu mumwe nomumwe achafanana noutiziro kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota.
3
Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
4
Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva nokunzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.
5
Benzi harichazonzi munhu anokudzwa, munhu asina maturo haazoremekedzwi.
6
Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinorasa vanhu pamusoro paJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota.
7
Nzira dzousina mano dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.
8
Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.
9
Imi vakadzi munoti mugere zvakanaka, simukai muteerere kwandiri; imi vanasikana vasina hanya, inzwai zvandinoreva!
10
Gore risati rapera muchabvunda iyemi munoti mugere zvakanaka; nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana, uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.
11
Dederai, imi vakadzi munoti mugere zvakanaka; hutai, iyemi vanasikana vasina hanya! Bvisai nguo dzenyu, monerai masaga muzviuno zvenyu.
12
Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka, nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,
13
uye nokuda kwenyika yavanhu vangu, nyika yamera minzwa norukato, hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro, uye nokuda kweguta rinopururudza iri.
14
Nhare dzichasiyiwa, guta roruzha richasara risina munhu; nhare neshongwe dzichava dongo nokusingaperi, mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,
15
kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, uye gwenga richizova nyika yakaorera, nomunda wakaorera uchizova sesango.
16
Kururamisira kuchagara kugwenga uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.
17
Chibereko chokururama chichava rugare; uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.
18
Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare, mumisha yakachengetedzeka, munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
19
Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango, uye guta rikaparadzwa zvachose,
20
ucharopafadzwa zvakadiniko, uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose, uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka!
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66