bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Isaiah 47
Isaiah 47
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 46
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 48 →
1
“Buruka, ugare muguruva, iwe Mhandara yeBhabhironi; gara pasi usina chigaro choushe, iwe Mhandara yavaBhabhironi. Hauchazonzi uri munyoro kana munhu akapfava.
2
Tora makuyo ukuye upfu; bvisa vhoiri rako. Fukura nguo dzako, makumbo ako aonekwe, uyambuke hova.
3
Kushama kwako kuchava pachena, uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa. Ndichatsiva; handizosiyi munhu.”
4
Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake; ndiye Mutsvene waIsraeri.
5
“Gara unyerere, enda murima, Mhandara yavaBhabhironi; hauchazonzi mambokadzi woumambo noumambo.
6
Ndakatsamwira vanhu vangu ndikasvibisa nhaka yangu; ndakavapa muruoko rwako, iwe ukasavanzwira ngoni. Kunyange vakakwegura wakavatakudza joko rinorema kwazvo.
7
Wakati, ‘Ndicharamba ndiri mambokadzi nokusingaperi!’ Asi hauna kufunga zvinhu izvi, kana kucherechedza zvaizogona kuitika.
8
“Naizvozvo zvino, chinzwa, iwe chisikwa chisingagutsikani, ugere zvakachengetedzeka, uchiti, mumwoyo mako, ‘Ndini, hakuna mumwe kunze kwangu. Handizovi chirikadzi, uye handizotambudziki nokurasikirwa navana.’
9
Zviviri izvozvi zvichakuwira nechinguva chidiki diki, pazuva rimwe chete zvinoti: kufirwa navana nouchirikadzi. Zvichauya pamusoro pako nechiyero chizere, kunyange uine un'anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.
10
Wakavimba nezvakaipa zvako uye wakati, ‘Hapana anondiona.’ Uchenjeri hwako nezivo yako zvinokutsausa paunoti, mumwoyo mako, ‘Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.’
11
Dambudziko richakuwira, uye haugoni kuzoziva kuti ungaritanda sei. Njodzi ichakuwira yausingagoni kubvisa nomuripo; pakarepo kuparadza kwausingagoni kuziva, kuchawira pamusoro pako.
12
“Zvino, enderera hako mberi nouroyi hwako, uye noun'anga hwako huzhinji, hwawakashandira kubva paudiki hwako. zvichida uchabudirira, zvichida uchavhundutsira vamwe.
13
Mazano ose awakagamuchira, akakunetesa chete! Vanhu vako vanocherechedza nyeredzi ngavauye mberi, avo vanotarira nyeredzi vachifembera mwedzi nomwedzi, ngavakuponese pane zviri kuuya pamusoro pako.
14
Zvirokwazvo vakafanana namashanga; moto uchaapisa akapera. Haangatongogoni kuzvirwira, pasimba romurazvo womoto. Asi hapana mazimbe okuti munhu adziyirwe; hapana moto wokudziya ipapo.
15
Izvozvi ndizvo chete zvavangakuitira, ava vawakashanda navo, uye ukafamba navo kubva paudiki hwako. Mumwe nomumwe wavo anoenderera mberi nokukanganisa kwake; hapana kana mumwe angakuponesa.
← Chapter 46
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 48 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66