bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Isaiah 40
Isaiah 40
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 41 →
1
Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.
2
Taurai nounyoro kuJerusarema, mudanidzire kwariri kuti kubata kwaro kukuru kwapera, uye kuti chivi charo charipirwa, kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro.
3
Inzwi rounodanidzira achiti, “Gadzirai nzira yaJehovha mugwenga, ruramisai mugwagwa waMwari wedu murenje.
4
Mipata yose ichasimudzirwa, makomo ose nezvikomo zvichaenzaniswa; nzvimbo dzisakaenzana dzichava bani.
5
Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, uye marudzi ose avanhu achazviona. Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”
6
Inzwi rinoti, “Danidzirai.” Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?” “Vanhu vose vakaita souswa, uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda.
7
Uswa hunooma uye maruva anowa, nokuti mweya waJehovha unofuridzira pamusoro pazvo. Zvirokwazvo vanhu uswa.
8
Uswa hunooma uye maruva anowa, asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”
9
Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka, kwirai pagomo refu. Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, danidzirai nesimba, musatya; muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!”
10
Tarirai, Ishe Jehovha ari kuuya nesimba, uye ruoko rwake runomubatira ushe. Tarirai, mubayiro wake anawo, uye zvaanoripira nazvo anazvo.
11
Anofudza makwai ake somufudzi: Anounganidza makwayana mumaoko ake agoatakurira pedyo nomwoyo wake; zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa.
12
Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza chake, kana kuyera denga noupamhi hwechanza chake? Ndianiko akaisa guruva rose rapasi mudengu, kana kuyera kurema kwamakomo nechiyero, nezvikomo pachiyero?
13
Ndiani akanzwisisa murangariro waJehovha, kana kumudzidzisa somudzidzisi wake?
14
Ndiani akabvunzwa naJehovha kuti amujekesere, uye ndiani akamudzidzisa nzira yakanaka? Ndianiko akamudzidzisa ruzivo kana kumuratidza nzira yokunzwisisa?
15
Zvirokwazvo ndudzi dzavanhu dzakaita sedonhwe remvura riri muchirongo; vanongova seguruva riri pamusoro pechiyero; anoyera zviwi kunge guruva rakatsetseka.
16
Rebhanoni harina huni dzinoringana kuvesa moto wearitari, uye zvipfuwo zvaro hazvikwani kuita chipiriso chinopiswa.
17
Marudzi ose akaita sapasina chinhu pamberi pake; iye anoaona seasina maturo, kunge asipo.
18
Zvino, mungafananidza Mwari naaniko? Ndoupi mufananidzo wamungamuenzanisa nawo?
19
Kana chiri chifananidzo, muumbi anochiumba, mupfuri wegoridhe ochinamira negoridhe, uye anochiitira uketani hwesirivha.
20
Murombo anoshayiwa chipo anosarudza danda risingaori. Anotsvaka mhizha kuti imuvezere chifananidzo chisingazozungunuki.
21
Hamuzivi here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kumbozviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuvamba kwenyika here?
22
Anogara samambo pamusoro pedenderedzwa renyika, uye vanhu vayo vakaita semhashu. Anotambanudza matenga setende, agoawaridzira setende kuti agaremo.
23
Anoita kuti machinda ave pasina, uye anoderedza vabati venyika ino kuti vave pasina.
24
Vachangosimwa, vachangodyarwa, vachangodzika midzi muvhu, iye anofuridza pamusoro pavo vachibva vaoma, uye chamupupuri chinovakukura sehundi.
25
“Mungandienzanisa naaniko? kana kuti ndiani akaenzana neni?” ndizvo zvinotaura Iye Mutsvene.
26
Simudzai meso enyu mutarire kumatenga. Ndianiko akasika zvose izvi? Iye anobudisa nyeredzi imwe imwe, achidzidana imwe neimwe nezita rayo. Nokuda kwesimba rake guru uye noukuru hwesimba rake, hapana kana imwe zvayo inoshayikwa.
27
Unoreveiko, iwe Jakobho, unogunun'una chii, iwe Israeri uchiti, “Nzira yangu haizivikanwi naJehovha; Mwari wangu haana hanya nezvandinorwira?”
28
Hauzivi here? Hauna kunzwa here? Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi, Musiki wamagumo enyika. Haaneti kana kuziya, uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.
29
Anopa simba kuna vakarukutika, uye anowedzera simba kuna vasina simba.
30
Kunyange majaya anoneta uye anorukutika, uye majaya anogumburwa agowa;
31
asi avo vane tariro muna Jehovha vachavandudza simba ravo. Vachabhururuka namapapiro samakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66