bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Isaiah 41
Isaiah 41
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 40
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 42 →
1
“Nyararai pamberi pangu, imi zviwi! Ndudzi ngadzivandudze simba radzo! Ngadziswedere mberi dzitaure; ngatisanganei pamwe chete panzvimbo inotongerwa mhaka.
2
“Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva, akamudana nokururama kuushumiri hwake? Anopa marudzi kwaari, uye anoisa madzimambo pasi pake. Anovashandura vagova guruva nomunondo wake, vagova hundi inopepereswa nemhepo, nouta hwake.
3
Anovadzinganisa agopfuurira mberi asina vanga, nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake kare.
4
Ndiani akabata basa iri akaripedza, akadana marudzi kubva pakutanga? Ini, Jehovha, naiye wokutanga wavo newokupedzisira, ndini iye.”
5
Zviwi zvakazviona zvikatya; magumo enyika anodedera. Vanoswedera uye vagouya mberi;
6
mumwe nomumwe anobatsira wokwake, achiti kuhama yake, “Simba!”
7
Mhizha inokurudzira mupfuri wegoridhe, naiye anotsetsenura nenyundo anokurudzira uyo anorova panhera. Anoti kune chakanamwa nomoto, “Ichi chakanaka.” Anoroverera chifananidzo pasi nechipikiri kuti chisazungunuka.
8
“Asi iwe, Israeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasarudza, imi vana vaAbhurahama, shamwari yangu,
9
ndakakutora kubva kumagumo enyika, ndikakudana kubva kumakona ayo ari kure. Ndakati kwauri, ‘Uri muranda wangu,’ ndakakusarudza uye handina kukuramba.
10
Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.
11
“Vose vanokutsamwira zvirokwazvo vachanyadziswa uye vachanyara; vose vanokakavadzana newe vachava sechinhu chisipo uye vachaparara.
12
Kunyange ukatsvaka vavengi vako, hauzovawani. Avo vanorwa newe vachava sechinhu chisipo chose.
13
Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira.
14
Usatya Jakobho iwe honye, iwe mudiki Israeri, nokuti ini iyeni ndichakubatsira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri.
15
“Tarira, ndichakuita mupuro, mutsva unopinza, una meno mazhinji. Uchapura makomo ugoapwanya, uye uchaderedza zvikomo zvikava hundi.
16
Uchaapepeta, achatorwa nemhepo, uye chamupupuri chichaaparadzira. Asi iwe uchafara muna Jehovha, uye uchazvirumbidza muMutsvene waIsraeri.
17
“Varombo navanoshaya vanotsvaka mvura asi hakuna; ndimi dzavo dzaoma nenyota. Asi ini Jehovha ndichavapindura; ini, Mwari waIsraeri, handizovasiya.
18
Ndichaita kuti nzizi dziyerere pamitunhu isina miti, namatsime pakati pemipata. Ndichashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava matsime.
19
Ndichaisa mugwenga musidhari nomuakasiya, mumite nomuorivhi. Ndichaisa mipaini musango, misipuresi nemifiri pamwe chete,
20
kuitira kuti vanhu vaone uye vagoziva, varangarire vagonzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvozvi, kuti Mutsvene waIsraeri ndiye akazvisika.
21
“Sumai mhaka yenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uyai namashoko enyu akasimba,” ndizvo zvinotaura Mambo waJakobho.
22
“Uyai nezvifananidzo zvenyu zvitiudze zvichaitika. Tiudzei zvinhu zvakare kuti zvaiva zvipi, kuti zvimwe tizviongorore tigoziva magumo azvo. Kana kuti tizivisei, zvinhu zvichaitika,
23
tiudzei kuti ramangwana rinei, kuti tizive kana imi muri vanamwari. Itai chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti tigoshamiswa tigozadzwa nokutya.
24
Asi imi hamuzi chinhu, uye mabasa enyu haana maturo chose; anokusarudzai anonyangadza.
25
“Ndamutsa mumwe anobva kumusoro, zvino ari kuuya, mumwe anobva kumabvazuva anodana kuzita rangu. Iye anotsika pamusoro pavabati kunge anotsika dope, kuita sokunge muumbi wehari anokanya ivhu.
26
Ndianiko akazvireva kubva pakutanga, kuti zvimwe, tingaziva, kana kuti zvichigere kuitika, kuti zvimwe tigoti, ‘Akanga anatsa?’ Hapana akataura izvozvi, hapana akataura kuti zvichauya, hapana akanzwa kana shoko kubva kwamuri.
27
Ndini akava wokutanga kuudza Zioni kuti, ‘Tarira, ava vari pano!’ Ndakapa kuJerusarema nhume yamashoko akanaka.
28
Ndinotarisa asi hapana munhu, hapana pakati pavo anopa zano, hapana anondipindura pandinovabvunza.
29
Tarirai, vose inhema dzoga! Mabasa avo haana maturo; zvifananidzo zvavo imhepo nenyonganiso.
← Chapter 40
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 42 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66