bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Isaiah 57
Isaiah 57
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 56
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 58 →
1
Vakarurama vanoparara, uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make; vanhu vanoda Mwari vanobviswa, uye hakuna anonzwisisa kuti vakarurama vanobviswa kuti vanunurwe kubva pane zvakaipa.
2
Vose vanofamba mukururama vanopinda murugare, vanowana zororo pavanovata murufu.
3
“Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi, imi chibereko chemhombwe nezvifeve!
4
Muri kuseka aniko? Ndiani wamunohomera uye wamunobudisira rurimi rwenyu? Ko, hamusi chibereko chemhandu here, nechizvarwa chavanoreva nhema?
5
Munotsva noruchiva pakati pemiti yemuouki napasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira; munobayira vana venyu mumipata napasi pamapazi akarembera.
6
Zvifananidzo zviri pakati pamatombo anotsvedzerera emipata ndiwo mugove wenyu; izvozvo, ndiwo mugove wenyu. Hongu, wakadururira chipiriso chokunwa kwazviri, uye ukapa chipiriso chezviyo. Ko, ini muchagona kundiripira zvinhu izvi here?
7
Wakawaridza nhoo pakakwirira napachikomo chirefu; ikoko wakakwira kundobayira zvibayiro.
8
Seri kwamakonhi ako nezvivivo zvako wakaisa chirangaridzo chavamwari vako. Uchindisiya ini, wakafukura mubhedha wako, wakakwira pauri ukaushamisa kwazvo; wakaita sungano naavo vane mibhedha yaunoda, uye wakatarisa kusasimira kwavo.
9
Wakaenda kuna Moreki namafuta omuorivhi ukawedzera zvinonhuwira zvako. Wakatumira nhume dzako kure; wakaburukira kuguva chaiko!
10
Wakaneteswa nenzira dzako dzose, asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’ Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako, nokudaro hauna kuziya.
11
“Ndianiko wawakatya uye ukavhunduka zvokuti wakazoreva nhema kwandiri, uye hauna kumbondirangarira kana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako? Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyarara iwe ukasanditya here?
12
Ndichaisa pachena kururama kwako namabasa ako, uye hazvizombokubatsiri.
13
Paunochemera rubatsiro, zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire! Mhepo ichazvikukura zvose, mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure. Asi munhu anondiita utiziro hwake achagara nhaka yenyika, uye gomo rangu dzvene richava rake.”
14
Uye zvichazonzi, “Vakai, vakai, gadzirai mugwagwa! Bvisai zvipinganidzo munzira yavanhu vangu.”
15
Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro, iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene, “Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene, asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa, kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.
16
Handichapi mhosva nokusingaperi, kana kugara ndakatsamwa, nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu, kufema kwomunhu wandakasika.
17
Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara; ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu, asi akaramba ari munzira dzaaida.
18
Ndakaona nzira dzake, asi ndichamuporesa; ndichamutungamirira uye ndichamunyaradza,
19
ndichisika rumbidzo pamiromo yavanochema muIsraeri. Rugare, rugare kuna vari kure navari pedyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye ndichavaporesa.”
20
Asi vakaipa vakafanana negungwa rinozungunuka, risingagoni kuzorora, rina mafungu anorasa marara namatope.
21
Mwari wangu anoti, “Vakaipa havana rugare.”
← Chapter 56
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 53
Chapter 54
Chapter 55
Chapter 56
Chapter 57
Chapter 58
Chapter 59
Chapter 60
Chapter 61
Chapter 62
Chapter 63
Chapter 64
Chapter 65
Chapter 66
Chapter 58 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52
53
54
55
56
57
58
59
60
61
62
63
64
65
66