bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Jeremiah 15
Jeremiah 15
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 16 →
1
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Kunyange dai Mozisi naSamueri vaimira pamberi pangu, mwoyo wangu hawaiva nehanya navanhu ava. Vadzingei pamberi pangu! Regai vaende!
2
Zvino kana vakakubvunza vachiti, ‘Tichaendepiko?’ Uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Vakafanirwa norufu ngavaende kurufu, vakafanirwa nomunondo, kumunondo; vakafanirwa nenzara, kunzara; vakafanirwa noutapwa, kuutapwa.’
3
“Ndichatumira mhando ina dzavaparadzi pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “munondo kuti uuraye uye imbwa kuti dzikwekweredzere kure, neshiri dzedenga nemhuka dzenyika kuti dzidye nokuparadza.
4
Ndichaita kuti vavengwe noushe hwose hwenyika nokuda kwezvakaitwa muJerusarema naManase, mwanakomana waHezekia mambo weJudha.
5
“Ndianiko achakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema? Ndianiko achakuchemera? Ndianiko achamira achikubvunza mufaro?
6
Wakandiramba,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Unoramba uchidzokera shure. Saka ndichakubata noruoko rwangu ndigokuparadza; handichagoni kuramba ndichikunzwira tsitsi.
7
Ndichavarudza neforogo yokurudzisa, pamasuo eguta renyika. Ndichauyisa kufirwa nokuparadzwa pamusoro pavanhu vangu, nokuti havana kushandura nzira dzavo.
8
Ndichawanza chirikadzi dzavo kupfuura jecha regungwa. Panguva yamasikati ndichauyisa muparadzi, pamusoro pavanamai vamajaya avo; pakarepo, ndichaburutsa pamusoro pavo kurwadziwa uye kutya.
9
Mai vakabereka vana vanomwe vachaziya vagofa. Zuva rake richavira achiri masikati; achanyadziswa uye achaninipiswa. Vachapunyuka ndichavaisa kumunondo pamberi pavavengi vavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
10
Yowe-e, mai vangu, zvamakandibereka kuti ndive murume anorwiswa nokumisidzanwa naye nenyika yose! Handina kumbopa munhu chikwereti, kana kutora chikwereti, asi zvakadaro vanhu vose vanondituka.
11
Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichakurwira nokuda kwechikonzero chakanaka; zvirokwazvo ndichaita kuti vavengi vako vakunyengetedze panguva yenjodzi nepanguva yokutambudzika.
12
“Ko, munhu angavhuna simbi here, simbi inobva nechokumusoro, kana ndarira?
13
Pfuma yako namatura ako ndichazvipa sezvakapambwa, pasina muripo, nokuda kwezvivi zvako zvose munyika yako yose.
14
Ndichakuita muranda wavavengi vako kunyika yausingazivi, nokuti kutsamwa kwangu kuchabatidza moto uchapfuta kuti ukupise.”
15
Haiwa Jehovha, imi munonzwisisa; ndirangarirei mugondichengeta. Munditsivire kuvatambudzi vangu. Imi muno mwoyo murefu, musandibvisa; fungai kuti ndakanyadziswa sei nokuda kwenyu.
16
Mashoko enyu paakasvika ndakaadya; akanga ari mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu, nokuti ndakatumidzwa zita renyu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose.
17
Handina kumbogara pakati peungano yavanozvifadza, handina kumbofara navo; ndakagara ndoga nokuti ruoko rwenyu rwaiva pamusoro pangu, uye makanga mandizadza nokutsamwa.
18
Seiko kurwadziwa kwangu kusingaperi, uye ronda rangu richirwadza uye risingarapiki? Muchava kwandiri sorukova runonyengera here sechitubu chinopwa?
19
Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Kana ukatendeuka, ndichakudzosazve kuti ugondishumira; kana ukataura zvakafanira, kwete mashoko asakafanira, uchava somuromo wangu. Vanhu ava ngavadzokere kwauri, asi iwe usaenda kwavari.
20
Ndichakuita rusvingo kuvanhu ava, nhare yorusvingo rwendarira; vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndigokuponesa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
21
“Ndichakuponesa kubva mumaoko avakaipa uye ndichakudzikinura pamaoko avano utsinye.”
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52