bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Jeremiah 20
Jeremiah 20
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 21 →
1
Muprista Pashuri mwanakomana waImeri, mutariri mukuru mutemberi yaJehovha, akati anzwa Jeremia achiprofita zvinhu izvi,
2
akarayira kuti Jeremia muprofita arohwe agoiswa muchitokisi paSuo Rokumusoro raBhenjamini raiva patemberi yaJehovha.
3
Chifumi chamangwana, Pashuri akati amusunungura kubva muchitokisi; Jeremia akati kwaari, “Zita rinopiwa kwauri naJehovha harisi Pashuri, asi MagoriMisabhibhi (zvichireva zvinotyisa kumativi ose).
4
Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Ndichakuita chinhu chinokutyisa iwe pachako nokushamwari dzako dzose; uchadziona nemeso ako dzichiwisirwa pasi nomunondo wavavengi vavo. Ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, iye achavaendesa kuBhabhironi kana kuvauraya nomunondo.
5
Ndichaisa pfuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvinokosha zvaro, nepfuma yose yamadzimambo eJudha, mumaoko avavengi vavo. Vachazvipamba ndokuzviendesa kuBhabhironi.
6
Zvino iwe Pashuri, navose vanogara mumba mako muchatapwa mugondogariswa kuBhabhironi. Uchandofira ikoko, iwe neshamwari dzako dzose dzawaiprofitira nhema.’ ”
7
Haiwa Jehovha makandinyengera, uye ndakanyengerwa; makandikurira uye mukakunda, vanondiseka zuva rose; munhu wose anondiseka.
8
Pandinotaura pose, ndinodanidzira ndichitaura nezvokuita nechisimba nokuparadza. Saka shoko raJehovha rakandivigira kutukwa nokunyadziswa zuva rose.
9
Asi kana ndikati, “Handicharevi zita rake, kana kutaurazve muzita rake,” shoko rake riri mumwoyo mangu rakaita somoto, moto wakapfigirwa mumapfupa angu. Ndaneta nokuridzivisa; zvirokwazvo, handigoni.
10
Ndinonzwa vazhinji vachizevezera vachiti, “Zvinotyisa kumativi ose! Mureverei! Ngatimureverei!” Shamwari dzangu dzose dzakarindira kutedzemuka kwangu, dzichiti, “Zvimwe achanyengererwa; ipapo tigomukunda tigozvitsiva paari.”
11
Asi Jehovha aneni semhare ine simba; saka vatambudzi vangu vachagumburwa, uye havangakundi. Vachakundikana uye vachanyadziswa kwazvo; kusakudzwa kwavo hakungatongokanganwikwi.
12
Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munoedza vakarurama nokunzvera mwoyo nendangariro, ngandione kutsiva kwenyu pamusoro pavo, nokuti ndaisa mhaka yangu kwamuri.
13
Imbirai Jehovha! Ipai rumbidzo kuna Jehovha! Iye anorwira upenyu hwavanoshayiwa kubva mumaoko avakaipa.
14
Ngaritukwe zuva randakaberekwa! zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa!
15
Ngaatukwe munhu akazivisa baba vangu shoko, iye akaita kuti vafare kwazvo, achiti, “Waberekerwa mwana, iye mwanakomana!”
16
Munhu uyo ngaave semaguta akaparadzwa naJehovha asingazvidembi, Ngaanzwe kuungudza mangwanani, nokuchema kwehondo masikati.
17
Nokuti haana kundiuraya ndiri mudumbu, mai vangu vangadai vari guva rangu, vairamba vane mimba.
18
Ndakambobudireiko mudumbu kuti ndione nhamo nokuchema nokugumisa mazuva angu mukunyadziswa?
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52