bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Jeremiah 5
Jeremiah 5
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 6 →
1
“Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema, tarirai pose pose mugofunga, tsvakai muzvivara zvaro muone kana mukawana kana munhu mumwe anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi, ipapo ndicharegerera guta iri.
2
Kunyange vachiti havo, ‘NaJehovha mupenyu,’ vanenge vachingopika nhema.”
3
Haiwa Jehovha, meso enyu haatsvaki chokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; Makavapwanya, asi vakaramba kurayirwa. Vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo uye vakaramba kutendeuka.
4
Ndakafunga ndikati, “Ava varombo bedzi; mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, nezvinodikanwa naMwari wavo.
5
Naizvozvo ndichaenda kuvatungamiri ndigotaura navo; zvirokwazvo vanoziva nzira yaJehovha, zvinodiwa naMwari wavo.” Asi nomwoyo mumwe, naivowo vakanga vavhuna joko, vakadambura makashu.
6
Saka shumba inobva musango ichavauraya, bere rinobva mugwenga richavabvambura, ingwe ichavavandira pedyo namaguta avo kuti ibvamburanye vose vanobudamo, nokuti kundimukira kwavo kukuru uye kudzokera shure kwavo kwawanda.
7
“Ndingakukanganwirai seiko? Vana venyu vakandisiya, uye vakapika navamwari vasati vari vamwari. Ndakavapa zvose zvavaishayiwa, asi ivo vakaita ufeve vakandoungana kudzimba dzezvifeve.
8
Ivo mabhiza anodya achiguta azere ruchiva, mumwe nomumwe achidokwairira mukadzi womumwe.
9
Ko, handingavarangi nokuda kwaizvozvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?
10
“Endai nomuminda yavo yamazambiringa muiparadze, asi musaiparadza zvachose. Bvisai matavi awo, nokuti vanhu ava havazi vaJehovha.
11
Imba yaIsraeri neimba yaJudha vanga vasina kutendeka kwandiri zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
12
Vakarevera Jehovha nhema, vachiti, “Haana chaachaita! Hakuna chakaipa chichaitika kwatiri; hatichazombooni hondo kana nzara.
13
Vaprofita vangova mhepo, uye shoko harimo mavari. Saka zvavanotaura ngazviitwe kwavari.”
14
Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: “Nokuti vanhu vakataura mashoko aya, ndichaita kuti mashoko angu ave moto mumuromo mako, uye vanhu ava kuti vave huni dzinopiswa nawo.
15
“Haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, ndiri kuuyisa rudzi runobva kure kuzokurwisai, rudzi rwakare kare uye rudzi rwakashinga, vanhu vane rurimi rwamusinganzwi, vano mutauro wamusinganzwisisi.
16
Magoba avo akafanana neguva rakashama; vose zvavo varwi vane simba.
17
Vachadya zvamakakohwa nezvokudya zvenyu, vachauraya vanakomana navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu, vachadya mazambiringa namaonde enyu. Vachaparadza nomunondo, maguta enyu akakomberedzwa iwo amunovimba nawo.
18
“Kunyange mumazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingakuparadzei zvachose.
19
Zvino kana vanhu vakabvunza kuti, ‘Ko, Jehovha Mwari wedu aitirei izvi kwatiri?’ imi muchavaudza kuti, ‘Sezvo makandisiya mukandoshumira vamwari vavatorwa munyika yenyu chaiyo, saizvozvowo zvino muchashandira vatorwa munyika isiri yenyu.’
20
“Zivisai izvi kuimba yaJakobho mugozviparidza maJudha muchiti:
21
Inzwai izvi imi mapenzi navanhu vasina pfungwa, vana meso, asi vasingaoni, vane nzeve, asi vasinganzwi:
22
Ko, hamufaniri kunditya here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, hamufaniri kudedera pamberi pangu here? Ndakaita jecha kuti rive muganhu wegungwa, muganhu warisingadariki nokusingaperi. Mafungu angafashama, asi haangakundi; angavirima asi haangaudariki.
23
Asi vanhu ava vane mwoyo yakasindimara uye inondimukira; vakatsauka vakaenda kure.
24
Havati mumwoyo yavo, ‘Ngatityei Jehovha Mwari wedu, anotipa mvura yaMatsutso neyoMunakamwe nenguva yayo, anotitsidzira mavhiki akatarwa okukohwa.
25
Zvakaipa zvenyu zvakadzingira izvi kure; zvivi zvenyu zvakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zviuye kwamuri.
26
Pakati pavanhu vangu pana vanhu vakaipa vanovandira kufanana savanhu vanoteya shiri nougombe. uye savaya vanoisa misungo yokubata vanhu.
27
Sedendere rizere neshiri, dzimba dzavo dzizere nokunyengera; vapfuma uye vava nesimba,
28
uye vafuta uye vobwinya. Zvakaipa zvavo hazvina magumo. havatambi mhaka dzenherera kuti vakunde, havadziviriri kodzero dzavarombo.
29
“Ko, handifaniri kuvaranga pane zvizvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?
30
“Chinhu chinosemesa uye chinovhundutsa chaitika panyika.
31
Vaprofita vanoprofita nhema, vaprista vanotonga nesimba ravo uye vanhu vangu vanofarira izvozvo. Asi muchaiteiko pakupedzisira?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52