bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Jeremiah 8
Jeremiah 8
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 9 →
1
“ ‘Panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, mapfupa amadzimambo namachinda eJudha, namapfupa avaprista navaprofita, uye mapfupa avanhu veJerusarema, achabviswa kubva mumakuva avo.
2
Achava pamhene agorohwa pazuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, uye vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika.
3
Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose vorudzi urwu rwakaipa, vachademba rufu pachinzvimbo choupenyu, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’
4
“Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Vanhu pavanowira pasi, havamukizve here? Munhu akange ambotsauka, haadzokizve here?
5
Zvino nemhaka yei ava vadzokera shure? Nemhaka yei Jerusarema richingogara richitsauka? Vanobatirira pakunyengera, vanoramba kudzoka.
6
Ndakanyatsoteereresa, asi ivo havambotauri zvakarurama. Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti, “Ndaiteiko?” Mumwe nomumwe anongoteedza nzira yake sebhiza rinomhanyira kurwa hondo.
7
Kunyange shohori riri mudenga rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, uye njiva, nenyenganyenga nekondo zvinocherechedza nguva yazvo yokutama. Asi vanhu vangu havazivi zvinodikanwa naJehovha.
8
“ ‘Munoreva seiko muchiti, “Takachenjera, nokuti tino murayiro waJehovha,” asi zvirokwazvo chinyoreso chenhema chavanyori chakanyora nhema?
9
Vakachenjera vachanyadziswa, vachavhunduka uye vachabatwa. Sezvo vakaramba shoko raJehovha, kuchenjera kwavanako kwakadiniko?
10
Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume, neminda yavo kuvaridzi vatsva. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista saizvozvo, vose vanoita nokunyengera.
11
Vanosunga vanga ravanhu vangu sokunge duku duku. Vanoti, “Rugare, rugare,” ipo pasina rugare.
12
Ko, vanonyadziswa netsika dzavo dzinonyangadza here? Kwete, havana kana nyadzi zvachose havambozivi kuti zvinonyadzisa sei. Saka vachawa pakati pavakawa; vachaderedzwa pavacharangwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
13
“ ‘Ndichavatorera zvavakakohwa, ndizvo zvinotaura Jehovha Hapangazovi namazambiringa pamuzambiringa. Hakungazovi namaonde pamuti womuonde, uye mashizha azvo achaoma. Zvandakavapa vachazvitorerwa.’ ”
14
“Ko, takagarireiko pano? Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa tindofira ikoko! Nokuti Jehovha Mwari wedu atitongera kufa, nokuti akatipa mvura ino muchetura kuti tinwe, nokuti takamutadzira.
15
Takanga takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya, takatarisira kuporeswa asi paingova nokuvhundutswa.
16
Kufemedzeka kwamabhiza omuvengi kunonzwika kuchibva kuDhani; panorira makono awo nyika yose inodedera. Auya kuzoparadza nyika nezvose zviri mairi, guta navose vanogara imomo.”
17
“Tarirai ndichatumira nyoka dzino uturu pakati penyu, mvumbi dzicharamba kuimbirwa, uye dzichakurumai,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
18
Haiwa, Munyaradzi wangu, pakuchema kwangu, mwoyo wangu woziya mukati mangu.
19
Inzwai kuchema kwavanhu vangu kunobva kunyika iri kure kure: “Ko, Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haachimo here?” “Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo, nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?”
20
“Kucheka kwapfuura, zhizha rapera, asi tigere kuponeswa.”
21
Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa; ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru.
22
Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here? Hakuna murapi ikoko here? Seiko zvino ronda ravanhu vangu risina kurapwa?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52