bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Jeremiah 22
Jeremiah 22
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 23 →
1
Zvanzi naJehovha, “Burukira kumuzinda wamambo weJudha undoparidza shoko iri ikoko uchiti,
2
‘Inzwai shoko raJehovha, imi mambo weJudha, iyemi munogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, imi namachinda enyu navanhu venyu vanopinda napamasuo aya.
3
Zvanzi naJehovha: Itai zvakanaka nezvakarurama. Rwirai akabirwa muruoko rwounomumanikidza. Regai kuitira zvakaipa kana chisimba kumutorwa nenherera kana chirikadzi, uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.
4
Nokuti kana mukachenjerera kuteerera mirayiro, ipapo madzimambo anogara pachigaro chaDhavhidhi achapinda napamasuo omuzinda uyu, vakakwira mungoro nepamabhiza vachiperekedzwa namachinda avo navanhu vavo.
5
Asi kana mukaramba kunzwa mirayiro iyi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndinopika neni ndimene kuti nzvimbo ino ichava dongo.’ ”
6
Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pomuzinda wamambo weJudha: “Kunyange wakaita seGireadhi kwandiri, wakaita somusoro weRebhanoni, zvirokwazvo ndichakuita segwenga, semaguta asingagarwi.
7
Ndichatumira vaparadzi pamusoro penyu, mumwe nomumwe nezvombo zvake, vachatema matanda enyu emisidhari akanaka vagoakanda mumoto.
8
“Marudzi mazhinji avanhu achapfuura nepaguta rino uye vachabvunzana vachiti, ‘Jehovha aitireiko chinhu chakadai kuguta rino?’
9
Zvino mhinduro ichati, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wavo vakanamata Uye vakashumira vamwe vamwari.’ ”
10
Musachema mambo akafa kana kumuungudzira; asi muchemere kwazvo uyo akatapwa, nokuti haachambodzoki kana kuzoonazve nyika yaakaberekerwa.
11
Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi mwanakomana waJosia, uyo akatevera Baba vake samambo weJudha asi akabva panzvimbo ino, “Haazombodzoki.
12
Achafira munzvimbo yavakamuendesa muutapwa; haachazombooni nyika inozve.”
13
“Ane nhamo uyo anovaka muzinda wake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro nokusaruramisira, anoshandisa vanhu vokwake pasina chaanovapa, asingavaripiri pakushanda kwavo.
14
Iye anoti, ‘Ndichazvivakira muzinda wakakura una makamuri okumusoro anoyevedza.’ Saka anoita mawindo makuru mairi, achiabatanidza nomusidhari, agoashongedza nezvitsvuku.
15
“Izvozvo zvinokuita mambo here, kuva nemisidhari yakawandawanda? Ko, baba vako havana kuwana zvokudya nezvokunwa here? Iye akaita zvakarurama uye nokururamisira, saka zvose zvakamufambira zvakanaka.
16
Akatongera varombo nevaishayiwa mhaka dzavo, nokudaro zvose zvakafamba zvakanaka. Hazvisizvo zvinoreva kundiziva here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
17
“Asi meso enyu nemwoyo yenyu zvakangotarisa chete papfuma isakarurama, pakuteura ropa risina mhosva napakumanikidza nokuita nechisimba.”
18
Naizvozvo zvanzi naJehovha, pamusoro paJehoyakimi mwanakomana waJosia, mambo weJudha, “Havangamuchemi vachiti, ‘Yowe-e, munun'una wangu! Yowe-e, hanzvadzi yangu!’ Havangamuchemi vachiti, ‘Yowe-e, tenzi wangu! Yowe-e, ukuru hwake!’
19
Iye achavigwa sokuvigwa kunoitwa mbongoro, achakwekweredzwa agoraswa kure, kunze kwamasuo eJerusarema.”
20
“Kwirai kuRebhanoni mudanidzire, inzwi renyu ngarinzwike paBhabhironi, danidzirai kubva paAbharimi, nokuti shamwari dzenyu dzose dzaparadzwa.
21
Ndakakuyambira uchigere zvakanaka, asi iwe wakati, ‘Handidi kuteerera!’ Ndiyo yanga iri nzira yako kubva pauduku hwako; hauna kunditeerera.
22
Mhepo ichadzingira kure vafudzi vako vose, uye shamwari dzako dzichaenda kuutapwa. Ipapo iwe uchanyara uye uchanyadziswa, nokuda kwokuipa kwako kwose.
23
Imi mugere mu‘Rebhanoni,’ iyemi makavakirwa matendere mudzimba dzemisidhari, muchagomera sei kurwadza pakuchauya pamusoro penyu, kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka!
24
“Zvirokwazvo, noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange kana iwe Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha, wakanga uri mhete muruoko rwangu rworudyi, ndaingokubvisa zvakadaro.
25
Ndichakuisa mumaoko aavo vanotsvaka kukuuraya, ivo vaunotya, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvaBhabhironi.
26
Ndichapotsera iwe namai vakakubereka kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa, uye ikoko kwamuchandofira muri vaviri.
27
Hamuzombodzokizve kunyika yamunoshuva kudzokera kwairi.”
28
Ko, murume uyu Jehoyakini munhu akazvidzika, ihari yakaputsika, chinhu chisina angada here? Seiko iye navana vake vapotserwa kunze, vakarasirwa munyika yavasingazivi?
29
Iwe nyika, nyika, nyika, Inzwa shoko raJehovha!
30
Zvanzi naJehovha, “Nyora munhu uyu seasina mwana, munhu asingazofari pamazuva oupenyu hwake, nokuti hakuna mwana wake achafara, hakuna achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, kana kutongazve maJudha.”
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52